1Imi vaGaratia vokusafunga, ndianiko wakakurunzirai, iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pameso enyu akaroverwa pamuchinjikwa?
2Ichochi bedzi ndinoda kunzwa kwamuri: Makapiwa Mweya namabasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda?
3Muri vokusafunga vakadaro seiko? Makatanga muMweya, ko zvino mopedzisa munyama here?
4Makatambudzika zvikuru mukadai pasina here? Kana zvaiva pasina hazvo!
5Naizvozvo uyo anokupai Mweya, nokuita mabasa esimba pakati penyu, anozviita izvo namabasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda?
6Abhurahamu sezvaakatenda kuna Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama.
7Naizvozvo zivai kuti vokutenda ndivo vana vaAbhurahamu.
8NoRugwaro, zvarwakaziva zviri mberi, kuti Mwari acharuramisa vahedheni nokutenda, rwakaparidza Vhangeri kare kuna Abhurahamu, ruchiti, “Mauri marudzi ose acharopafadzwa.”
9Naizvozvo vokutenda vanoropafadzwa pamwechete naAbhurahamu, akatenda.
10Nokuti vose vari vamabasa omurairo, vari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Vakatukwa vose vasingarambiri pazvinhu zvose zvakanyorwa muBhuku yoMurairo, kuti vazviite.”
11Zvino, zvinoonekwa kuti hakuna munhu anoruramiswa nomurairo pamberi paMwari, nokuti, “Akarurama achararama nokutenda.”
12Zvino murairo haubvi pakutenda; asi uyo akaita zvinhu izvozvi achararama nazvo.
13Kristu akatidzikinura pakutuka kwomurairo, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti!”
14Kuti kuropafadzwa kwaAbhurahamu kusvike kuvahedheni muna Jesu Kristu; kuti tipiwe nokutenda chipikirwa choMweya.
15Hama dzangu, ndinoreva nokureva kwavanhu, ndichiti: Kunyangwe iri sungano yavanhu hayo, kana yasimbiswa, hakuna munhu anoikonesa kana kuwedzera kwairi.
16Zvino, izvo zvipikirwa zvakarehwa kuna Abhurahamu nokumwana wake. Haarevi, achiti, “Kuvana vako,” savanenge vari vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti, “Kumwana wako;” uyu ndiye Kristu.
17Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti, Sungano yakasimbiswa kare naMwari haitorerwi simba rayo nomurairo wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuura, kuti chipikirwa chikoneswe.
18Nokuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchipikirwa; asi Mwari akaipa Abhurahamu nokupikira.
19Naizvozvo murairo chiiko? Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana akapikirwa izvozvo achizouya; iwo wakarayirwa navatumwa noruoko rwomurevereri.
20Zvino murevereri haazi womumwechete; asi Mwari ndomumwe.
21Naizvozvo asi murairo unorwisa zvipikirwa zvaMwari here? Haisva! Nokuti dai vakanga vapiwa murairo waigona kuraramisa, zvirokwazvo kururamiswa kwaibva kumurairo.
22Asi Rugwaro rwakapfigira zvose pasi pezvivi, kuti chipikirwa chinobva pakutenda muna Jesu Kristu chipiwe vanotenda.
23Asi kutenda kusati kwasvika, taichengetwa pasi pomurairo, takapfigirwa nokuda kwokutenda kwaizoratidzwa.
24Saizvozvo murairo wakanga uri muperekedzi wedu, kutiisa kuna Kristu kuti tiruramiswe nokutenda.
25Zvino kutenda zvakwakasvika, hatichiri pasi pomuperekedzi.
26Nokuti imi mose muri vana vaMwari nokutenda muna Kristu Jesu;
27nokuti vose pakati penyu, vakabhabhatidzwa muna Kristu, makapfeka Kristu.
28Hakuchina muJudha kana muGiriki, hakuchina akasungwa kana akasununguka, hakuchina munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu.
29Zvino kana muri vaKristu, muri vana vaAbhurahamu, vadyi venhaka sezvamakapikirwa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.