1Zvino Mosesi wakabva pamapani okwaMoabhu, akakwira kugomo reNebho, pamusoro pePisiga, pakatarisana neJeriko. Jehovha akamuratidza nyika yose yeGiriadhi, kusvikira Dhani;
2neNafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha, kusvikira pagungwa rokumavirazuva;
3nenyika yezasi, neBani romupata weJeriko, guta remichindwe, kusvikira Zoari.
4Zvino Jehovha akati kwaari, “Ndiyo nyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, ‘Ndichaipa vana vako; ndikakuonesa iyo nameso ako, asi haungapindimo.’ ”
5Ipapo Mosesi muranda waJehovha akafirapo panyika yaMoabhu, sezvakataurwa naJehovha.
6Akamuviga pamupata panyika yaMoabhu, pakatarisana neBheti–peori; asi hapana munhu unoziva rinda rake kusvikira nhasi.
7Zvino Mosesi wakanga ana makore ane zana namakumi maviri pakufa kwake; meso ake akanga achigere kuonera madzerere, nesimba rake rakanga richigere kuderera.
8Vana VaIsiraeri vakachema Mosesi pamapani okwaMoabhu mazuva ana makumi matatu; naizvozvo mazuva avakachema pakuchema Mosesi akapera.
9Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakanga azere nomweya wokuchenjera; nokuti Mosesi wakanga aisa maoko ake pamusoro pake; vana VaIsiraeri vakamuteerera, vakaita sezvakarairwa Mosesi naJehovha.
10Hakuna kuzomukazve muporofita pakati paIsiraeri wakafanana naMosesi, wakanga achizikanwa naJehovha, zviso zvakatarisana;
11pazviratidzo zvose nezvishamiso, paakatumwa naJehovha kundozviita panyika yeIjipiti, kuna Farao, nokuvaranda vake vose, nokunyika yake yose;
12napazvose zvakaitwa noruoko rwake rune simba, napakutyisa kukuru kwose, kwakaitwa naMosesi VaIsiraeri vose vachizviona.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.