1 Samueri 24 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anoramba kuuraya Sauro

1Zvino Sauro wakati adzoka pakutevera vaFirisitia, akaudzwa zvichinzi, “Tarirai, Dhavhidhi uri murenje reEnigedhi.”

2Ipapo Sauro akatora varume vane zviuru zvitatu vakanga vatsaurwa kuVaIsiraeri vose, akandotsvaka Dhavhidhi navanhu vake pamatombo engururu.

3Akasvika pamatanga amakwai panzira pakanga pane bako, Sauro akapindamo kuti afukidze tsoka dzake. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakanga vagere mukati–kati mebako.

4Vanhu vaDhavhidhi vakati kwaari, “Iri ndiro zuva ramakaudzwa naJehovha, achiti, ‘Tarira, ndichaisa muvengi wako muruoko rwako, umuitire sezvaunoda.’ ” Ipapo Dhavhidhi akasimuka, akagura mupendero wenguo yaSauro iye asingazivi.

5Asi pashure hana yaDhavhidhi yakamutambudza, nemhaka yokuti wakanga agura nguo yaSauro.

6Akati kuvanhu vake, “Jehovha ngaandidzivise, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai, nditambanudzire ruoko rwangu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.”

7Naizvozvo Dhavhidhi akadzivisa vanhu vake namashoko iwayo, akasavatendera kumukira Sauro. Sauro akasimuka, akabuda mubako, akaenda hake.

8NaDhavhidhi wakasimukawo, akabuda mubako, akadanidzira kuna Sauro akati, “Ishe wangu, mambo!” Zvino Sauro wakati achicheuka, Dhavhidhi akakotamira pasi nechiso, akapfugama.

9Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Munoteerereiko mashoko avanhu, vanoti, ‘Tarira, Dhavhidhi unotsvaka kukukuvadzai?’

10Tarirai, zuva rino meso enyu aona kuti Jehovha wakuisai nhasi mumaoko angu mubako; vamwe vakati ndikuurayei, asi ndakakuregai ndikati, ‘Handingatambanudzi ruoko rwangu kuna ishe wangu, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.’

11Zvino baba vangu, tarirai, hoyo mupendero wenguo yenyu, muruoko rwangu; nokuti zvandakagura mupendero wenguo yenyu, ndikasakuurayai, muzive, muwone, kuti hakuna chakaipa kana kudarika kwandiri; handina kukutadzirai, kunyangwe makandivhima kuti munditorere upenyu hwangu.

12“Jehovha ngaatonge pakati pangu nemi, Jehovha ngaanditsive kwamuri; asi ruoko rwangu harungarwi nemi.

13“Sezvinoreva tsumo yavekare, ‘Kune wakaipa kunobuda zvakaipa; asi ruoko rwangu harungarwi nemi.’

14Ko mambo waIsiraeri wakabuda achitsvaka aniko? Munodzingana naniko? Imbwa yakafa, rutata harwo.

15Naizvozvo Jehovha ngaave mutongi, ngaatonge pakati pangu nemi, awone, andireverere pamhosva yangu, andirwire paruoko rwenyu.”

16Dhavhidhi wakati apedza kutaura mashoko iwayo kuna Sauro, Sauro akati, “Izwi rako here, mwana wangu; Dhavhidhi?” Sauro akachema kwazvo.

17Akati kuna Dhavhidhi, “Iwe unondikunda pakururama, nokuti iwe wakandiitira zvakanaka, asi ini ndakakuitira zvakaipa.

18Warondedzera nhasi pawakandiitira zvakanaka, nokuti hauna kundiuraya, kunyangwe Jehovha akandiisa muruoko rwako.

19Nokuti kana munhu achinge awana muvengi wake, ungamurege akaenda hake here? Naizvozvo Jehovha ngaakuripire zvakanaka nokuda kwezvawakandiitira nhasi.

20Zvino tarira, ndinoziva kuti iwe uchazova mambo zvirokwazvo, uye kuti ushe hwaIsiraeri huchasimbiswa muruoko rwako.

21“Naizvozvo pika zvino kwandiri naJehovha kuti haungaparadzi vana vangu vanonditevera, uye kuti haungaparadzi zita rangu mumba mababa vangu.”

22Ipapo Dhavhidhi akapika kuna Sauro. Sauro akaenda kumusha kwake, asi Dhavhidhi navanhu vake vakaenda kunhare yavo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help