1Zvino Ahitoferi wakati kuna Abhusaromu, “Nditenderei zvino nditsaure varume vane zviuru zvine gumi nezviviri, ndisimuke, nditeverere Dhavhidhi usiku hwuno;
2ndimuvambe akaneta, asine simba, ndimutyise, vanhu vose vaanavo vatize; ini ndichauraya mambo oga.
3Ipapo ndichadzosera vanhu vose kwamuri; kana mawana munhu mumwe wamunotsvaka, vanhu vose vachadzoka; naizvozvo vanhu vose vachava norugare.”
4Shoko iro rakafadza Abhusaromu navakuru vose VaIsiraeri.
5Ipapo Abhusaromu akati, “Danai Hushai muArikiwo, tinzwe zvaanotaura.”
6Hushai wakati asvika kuna Abhusaromu, Abhusaromu akataura naye akati, “Ahitoferi wataura zvokuti nezvokuti; zvino toita sezvaakataura here? Kana tisingafaniri kudaro, taura iwe.”
7Hushai akati kuna Abhusaromu, “Zano ramapiwa nguva ino naAhitoferi harina kunaka.”
8Hushai akawedzera, akati, “Munoziva baba venyu navanhu vavo, kuti vanhu voumhare, zvino vane shungu pamwoyo pavo, sebere ratorerwa vana varo kusango; baba venyu munhu wokurwa, havangavati navanhu.
9Tarirai, zvino vandovanda pabako, kana pamwe; zvino kana vamwe vakatanga kuurayiwa, ani naani unozvinzwa uchati, ‘Vanhu, vanotevera Abhusaromu, vourayiwa.’
10Ipapo kunyangwe munhu wemhare, ano mwoyo wakafanana noweshumba, uchawora mwoyo, nokuti VaIsiraeri vose vanoziva kuti baba venyu imhare, naivo vevanavo vanhu voumharewo.
11Zvino zano rangu ndiro, kuti VaIsiraeri vose vaunganidzwe kwamuri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, vawande sejecha riri pagungwa; nemiwo muende mumene kuhondo.
12Naizvozvo tichamuvamba paanenge achiwanikwa, tigomhara pamusoro pake somumharire wevetapasi; hatingasiyi kunyangwe mumwe wavo, kunyangwe ivo kunyangwe vanhu vavanavo.
13Uye, kana vakapinda muguta, VaIsiraeri vose vangauya namabote kuguta iro, tirikwevere murwizi, kusvikira pachishaikwa kunyangwe ibwe rimwe duku.”
14Ipapo Abhusaromu navarume vose VaIsiraeri vakati, “Zano raHushai muAriki rakanaka kukunda zano raAhitoferi.” Nokuti Jehovha akanga atema kuti zano rakanaka raAhitoferi rikoneswe, kuti Jehovha apinze Abhusaromu panjodzi.
15Zvino Hushai akati kuna Zadhoki nokuna Abhiatari vapristi, “Ahitoferi wakapa Abhusaromu navakuru VaIsiraeri zano rokuti nerokuti, asi ini ndakavapa zano rokuti nerokuti.
16Naizvozvo zvino, tumai munhu pakarepo, audze Dhavhidhi, ati, ‘Regai kuvata usiku hwuno kumazambuko erenje, asi munofanira kuyambuka, kuti mambo arege kumedzwa navanhu vose vaanavo.’ ”
17Zvino Jonatani naAhimazi vakanga vari paEnirogeri; murandakadzi akaenda kundovaudza ivo vakandoudza mambo Dhavhidhi, nokuti havazaifanira kuonekwa vachipinda paguta.
18Asi mumwe mukomana wakavaona, akandoudza Abhusaromu; ivo vaviri vakakurumidza kuenda, vakasvika paimba yomumwe munhu paBhahurimu; iye wakanga ane tsime paruvazhe rwake, ivo vakaburukiramo.
19Mukadzi akatora chokufukidzira nacho, akachiwarira pamusoro pomuromo wetsime, akanika zviyo zvakatswiwa pamusoro pacho; hakuna chinhu chakazozikanwa.
20Zvino varanda vaAbhusaromu vakasvika kumukadzi kumba, vakati, “Ahimaazi naJonatani varipiko?” Mukadzi akati kwavari, “Vayambuka rukova.” Ivo vakavatsvaka, vakavashaiwa, vakadzokera Jerusaremu.
21Zvino vakati vabva, ivo vakabuda mutsime, vakandoudza mambo Dhavhidhi; vakati kuna Dhavhidhi, “Simukai, mukurumidze kuyambuka mvura, nokuti Ahitoferi wakapa zano rokuti nerokuti pamusoro penyu.”
22Dhavhidhi akasimuka, navanhu vose vaakanga anavo, vakayambuka Jodhani; kwakati kwoedza mangwanani, kwakanga kusino mumwe wavo wakanga achigere kuyambuka Jodhani.
23Zvino Ahitoferi wakati achiona kuti vakanga vasina hanya nezano rake, akaisa chityaro pamusoro pembongoro yake, akasimuka, akaenda kumba kwake kuguta rake, akaraira vose veimba yake, akazvisungirira, akafa, akavigwa muhwiro hwababa vake.
24Zvino Dhavhidhi akasvika Mahanaimu. Abhusaromu akayambuka Jodhani, iye navarume vose VaIsiraeri, vaakanga anavo.
25Abhusaromu akagadza Amasa ave mutungamiriri wehondo panzvimbo yaJoabhu. Amasa wakanga ari mwanakomana womunhu wainzi Jitira muIsiraeri, wakanga apinda kuna Abhigairi, mukunda waNahashi, munun'una waZeruya, amai vaJoabhu.
26VaIsiraeri naAbhusaromu vakadzika matende avo panyika yeGiriadhi.
27Zvino Dhavhidhi wakati achisvika paMahanaimu, Shobhi mwanakomana waNahashi weRabha, wavana vaAmoni, naMakiri mwanakomana waAmieri weRodhebhari, naBharizirai muGiriadhi weRogerimi,
28vakauya nenhoo, nehari, nemidziyo yevhu, nezviyo, nebhari, noupfu, nezviyo zvakakangwa, nenyimo, nenyemba, nezvakakangwa,
29nouchi, namafuta, namakwai, namapundu omukaka, kuti Dhavhidhi navanhu vose vakanga anavo vadye; nokuti vakati, “Vanhu vane nzara, vaneta, vane nyota murenje.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.