Mapisarema 36 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kuipa kwoakaipa nokunaka kwaMwariKumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha.

1Kudarika kwoakaipa kunoreva mumwoyo mangu, kuchiti,

“Hakuna kutya Mwari pamberi pameso ake.”

2Nokuti anozvibata kumeso kwake,

Achiti zvakaipa zvake hazvingazikanwi zvikavengwa.

3Mashoko omuromo wake ndizvo zvakaipa nokunyengera;

Akarega kuzova akachenjera nokuita zvakanaka.

4Anofunga zvakaipa panhoo dzake;

Anofamba nenzira isina kunaka;

Haasemi zvakaipa.

5Unyoro hwenyu, Jehovha,

hwakasvika kudenga–denga;

Kutendeka kwenyu kunosvikira kumakore;

6Kururama kwenyu kwakafanana

namakomo aMwari;

Kutonga kwenyu kwakadzika zvikuru;

Jehovha, munochengeta vanhu nemhuka.

7Unyoro hwenyu, Mwari, hwakanaka–naka sei!

Vana vavanhu vanondovanda pasi

pomumvuri wamapapiro enyu.

8Vachagutswa kwazvo nezvakakora zveimba yenyu;

Muchavanwisa parwizi rwezvinofadza zvenyu;

9Nokuti kwamuri ndiko kune tsime roupenyu;

Muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza.

10Rambai muchiitira vanokuzivai unyoro hwenyu;

Nokururama kwenyu kuna vano mwoyo yakarurama.

11Rutsoka rwoanozvikudza ngarurege

kusvikira kwandiri,

Ruoko rwoakaipa ngarurege kundidzinga.

12Apo ndopakawira pasi vaiti vezvakaipa,

Vakawisirwa pasi, havangagoni kumukazve.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help