1Zvanzi naJehovha, “Chengetai kururamisa, muite zvakarurama; nokuti ruponeso rwangu rwodo kusvika, kururama kwangu kworatidzwa.
2“Akaropafadzwa munhu anoita izvozvi, noMwanakomana womunhu anozvibatisisa, anochengeta Sabata kuti arege kurimhura, nokudzora ruoko rwake kuti arege kuita chinhu chakaipa.”
3Mutorwa akanamatira Jehovha, ngaarege kutaura achiti, “Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake;” nomuyuniki ngaarege kuti, “Tarirai, ndiri muti wakaoma.”
4Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pavayuniki, “Vanochengeta maSabata angu, nokusanangura zvinhu zvinondifadza, vachibatisisa sungano yangu.
5“Ndichavapa mumba mangu nomukati mamasvingo angu chiyeudzo nezita rinopfuura ravanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi.
6“Navatorwawo vanonamatira Jehovha, kuti vamushumire, nokuda zita raJehovha, nokuva varanda vake, mumwe nomumwe anochengeta Sabata kuti arege kurimhura, nokubatisisa sungano yangu;
7ivavo ndichavauyisa kugomo rangu dzvene, nokuvafadza muimba yangu yokunyengetera; zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibairo zvavo zvichagamuchirwa paatari yangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yavanhu vose.
8Ishe Jehovha, anounganidza vakadzingwa VaIsiraeri, anoti, ‘Ndichaunganidzazve vamwe kwaari, pamwechete navake vakaunganidzwa.’ ”
Zvivi zvaIsiraeri nezvavatungamiriri vavo9Imi zvikara zvose zvokusango, uyai mudye, imi zvikara zvose zvokudondo.
10Nharire dzake mapofu, vose havane zivo; dzose imbwa dzisingagoni kutaura, dzisingagoni kuhukura, dzinorota, dzinovata pasi, dzinofarira kuvata.
11Zvirokwazvo, imbwa dzinokara, dzisingatongoguti; ava vafudzi, vasingagoni kunzwisisa, mumwe nomumwe wakatsaukira kunzira yake, mumwe nomumwe kupfuma yake, vose–vose.
12Vanoti, “Uyai, ndichauya newaini, tichaguta nezvinodhaka, mangwana achaita sezuva ranhasi, zuva guru–guru kwazvo.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.