1Hareruya!
Rumbidzai Jehovha, imi muri kudenga;
Murumbidzei panzvimbo dzokumusoro.
2Murumbidzei imi vatumwa vake vose;
Murumbidzei imi hondo dzake dzose.
3Murumbidzei imi zuva nomwedzi;
Murumbidzei imi nyenyedzi dzose dzinovhenekera.
4Murumbidzei imi kudenga kwokudenga–denga,
Newe mvura zhinji, iri kumusoro
kwokudenga–denga.
5Ngazvirumbidze zita raJehovha;
Nokuti iye akaraira, zvikasikwa.
6Akazvisimbisawo nokusingaperi–peri;
Akatema chirevo chisingafaniri kudarikwa.
7Rumbidzai Jehovha imi vapasi,
Imi zvikara zvegungwa, nezviri makadzika;
8Moto nechimvuramabwe, chando noutsi;
Dutu guru, rinoita zvaakareva;
9Makomo nezvikomo zvose;
Miti inobereka nemisidhari yose;
10Mhuka, nezvipfuwo zvose;
Zvinokambaira neshiri dzinobhururuka;
11Madzimambo apasi nendudzi dzose dzavanhu;
Machinda navatongi vose vapasi;
12Majaya nemhandara;
Vatana navana;
13Ngavarumbidze zita raJehovha;
Nokuti zita rake roga rakakurumbira;
Umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga.
14Akasimudza runyanga rwavanhu vake,
Kuti arumbidzwe navatsvene vake vose;
Naivo vana VaIsiraeri, ivo vanhu
vari pedyo naye.
Hareruya!
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.