1Zvino Hezekiya akatuma nhume kuVaIsiraeri nokuvaJudha vose, akanyorawo tsamba kuvaEfuremu navaManase, kuti vauye kuimba yaJehovha paJerusaremu, kuzoitira Jehovha Mwari waVaIsiraeri Pasika.
2Nokuti mambo namachinda ake, neungano yose paJerusaremu vakanga varangana kuita Pasika nomwedzi wechipiri.
3Nokuti vakanga vasingagoni kuiita nenguva iyo, nokuti vapristi, vakanatswa, vakanga vasingaringani, navanhuwo vakanga vasina kuungana paJerusaremu.
4Zvino chinhu ichi chakanga chakarurama pamberi pamambo neungano yose.
5Naizvozvo vakasimbisa chirevo, vakazivisa pakati paIsiraeri pose, kubva paBheerishebha kusvikira paDhani, kuti vanhu vauye kuzoitira Jehovha Mwari waVaIsiraeri Pasika paJerusaremu; nokuti vakanga vasina kuiita nguva huru, sezvakanga zvakanyorwa.
6Ipapo nhume dzakamhanya dzikaenda netsamba dzamambo namachinda ake pakati paVaIsiraeri vose navaJudha, sezvavakanga varairwa namambo, vakati, “Imi vana VaIsiraeri, dzokeraizve kuna Jehovha Mwari waAbhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, kuti iye adzokerezve kuna vakasara pakati penyu, vakapukunyuka, pamaoko amadzimambo eAsiria.
7Regai kuva samadzibaba enyu, nehama dzenyu, vakadarika mirairo yaJehovha Mwari wamadzibaba enyu, iye akazovaita chishamiso sezvamunoona.
8Regai kuva nemitsipa mikukutu, sezvakanga zvakaita madzibaba enyu; batai ruoko rwaJehovha, mupinde paimba yake tsvene, yaakanatsa nokusingaperi, mushumire Jehovha Mwari wenyu, kuti kutsamwa kwake kubviswe kwamuri.
9Nokuti kana imi mukadzokera kuna Jehovha, hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi navatapi vavo, vagodzokerazve kunyika ino; nokuti Jehovha Mwari wenyu ane ngoni nenyasha; haangafuratidzi chiso chake kwamuri, kana mukadzokera kwaari.”
10Naizvozvo nhume dzakamhanya dzikapota pamaguta ose panyika yose yaEfuremu naManase, kusvikira paZebhuruni; asi vakavaseka, nokuvadadira.
11Asi vamwe vavaAsheri navaManase navaZebhuruni, vakazvininipisa, vakaenda Jerusaremu.
12NapaJudhawo ruoko rwaMwari rwakavapa mwoyo mumwe, kuti vateerere murairo wamambo namachinda neshoko raJehovha.
13Ipapo vanhu vazhinji vakaungana paJerusaremu, kuzoita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomwedzi wechipiri, ikaita ungano huru kwazvo.
14Vakasimuka, ndokubvisa atari dzaiva paJerusaremu, vakabvisawo atari dzose dzezvinonhuwira, vakadzikandira murukova Kidhironi.
15Ipapo vakauraya gwayana rePasika pazuva regumi namana romwedzi wechipiri; vapristi navaRevhi vakanyara, vakazvinatsa, vakauya nezvipiriso zvinopiswa mumba maJehovha.
16Vakamira panzvimbo yavo sezvavakarairwa nomurairo waMosesi, iye munhu waMwari; vapristi vakasasa ropa ravakatora pamaoko avaRevhi.
17Nokuti vazhinji vaivapo paungano vakanga vasina kuzvinatsa; saka vaRevhi vaiva nebasa rokuurayira vose, vakanga vasina kunatswa, makwayana ePasika yavo, kuti vavanatsire Jehovha.
18Nokuti vanhu vazhinji zhinji vaEfuremu navaManase, navaIsakari navaZebhuruni, vakanga vasina kuzvinatsa; kunyangwe zvakadaro vakadya Pasika nomutowo wakapesana nowakanyorwa. Nokuti Hezekiya akanga avanyengeterera, achiti, “Jehovha wakanaka ngaakanganwire mumwe nomumwe,
19unoshingaira nomwoyo wake kutsvaka Mwari, Jehovha, Mwari wababa vake, kunyangwe asina kunatswa nomutowo wokunatswa kwenzvimbo tsvene.”
20Jehovha akanzwa Hezekiya, akaporesa vanhu.
21Zvino vana VaIsiraeri, vaiva paJerusaremu, vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomufaro mukuru mazuva manomwe; vaRevhi navapristi vakarumbidza Jehovha zuva rimwe nerimwe, vachiridzira Jehovha nezvokuridzisa zvainzwika kure.
22Hezekiya akataura nounyoro navaRevhi vose vaigona kubatira Jehovha zvakanaka. Naizvozvo vakadya pamutambo mazuva manomwe, vakabayira zvibairo zvezvipiriso zvokuyananisa, vachizvireurura kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
23Zvino ungano yose yakarangana kuita mamwe mazuva manomwezve; vakaita mazuva manomwezve nomufaro.
24Nokuti Hezekiya mambo waJudha akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvinomwe, kuti vabayire nazvo; namachindawo akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvine gumi; vapristi vazhinji zhinji vakazvinatsa.
25Ipapo ungano yose yaJudha, pamwechete navapristi navaRevhi, neungano yose yakabva pakati paIsiraeri, navatorwa vakabva panyika yaIsiraeri, navakanga vagere paJudha, vakafara vose.
26Naizvozvo mufaro mukuru ukavapo paJerusaremu; nokuti kubva panguva yaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsiraeri, hakuna kuita zvakadaro paJerusaremu.
27Ipapo vapristi vaRevhi vakasimuka, vakaropafadza, vanhu; mazwi avo akanzwika, nokunyengetera kwavo kukasvika kuugaro hwake utsvene iko kudenga.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.