Mapisarema 66 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Rwiyo rwomufaro pamusoro pokukundaKumutungamiriri wokuimba. Rwiyo nePisarema.

1Pururudzai kuna Mwari, imi nyika dzose;

2Imbirai mukurumbira wezita rake;

Rumbidzai kudzo yake.

3Itiyi kuna Mwari, “Mabasa enyu anotyisa sei!

Vavengi venyu vachazviisa pasi penyu

nemhaka youkuru hwesimba renyu.

4Pasi pose pachanamata kwamuri,

Pachakuimbirai;

Vachaimbira zita renyu.”

5Uyai, muone mabasa aMwari;

Anotyisa pane zvaanoitira vana vavanhu.

6Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma;

Vakayambuka rwizi netsoka;

Ipapo takafara maari.

7Anobata ushe nokusingaperi nesimba rake;

Meso ake anocherechedza ndudzi;

Vanomumukira ngavarege kuzvikudza.

8Vongai Mwari, imi vanhu,

Izwi rokumurumbidza ngarinzwike;

9Iye anopa mweya upenyu,

Asingatenderi tsoka dzedu kuti dzitedzemuke.

10Nokuti imi Mwari makatiidza;

Makatiidza sezvinoidzwa sirivha.

11Makatipinza pamumbure;

Makatitakudza mutoro unorema pazviuno zvedu.

12Makafambisa vanhu pamusoro pemisoro yedu;

Takapinda nomumoto nemvura;

Asi makatibudisa kunzvimbo ine zvakawanda.

13Ndichapinda mumba menyu nezvipiriso zvinopiswa,

Ndichakuitirai mhiko dzangu,

14Dzakarehwa nemiromo yangu,

Dzakataurwa nomuromo wangu

pakutambudzika kwangu.

15Ndichakubairai zvipiriso zvinopiswa zvezvakakora,

Nezvinonhuwira zvamakondohwe;

Ndichabayira nzombe pamwechete nembudzi.

16Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari,

Ndichakududzirai zvaakaitira mweya wangu.

17Ndakachema kwaari nomuromo wangu,

Akarumbidzwa zvikuru norurimi rwangu.

18Kana ndikarangarira zvakaipa mumwoyo mangu,

Ishe haangandinzwi;

19Asi zvirokwazvo Mwari akanzwa;

Akateerera izwi rokunyengetera kwangu.

20Mwari ngaavongwe,

Iye asina kuramba munyengetero wangu,

kana kubvisa tsitsi yake kwandiri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help