Muparidzi 7 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Uchenjeri, nokuzvidzora, nokutsungirira ndizvo zvakanaka

1Mbiri yakanaka inopfuura chizoro chakanaka, nezuva rokufa kupfuura zuva rokuzvarwa.

2Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo wavanhu vose; munhu mupenyu achazvirangarira pamwoyo pake.

3Kuchema kunopfuura kuseka, nokuti mwoyo unofadzwa nokupunyaira kwechiso.

4Mwoyo yavakachenjera iri paimba yokuchema, asi mwoyo yamapenzi iri paimba yokufara.

5Zviri nani kuti munhu anzwe kutuka kwavakachenjera, pakuti anzwe kuimba kwamapenzi.

6Nokuti kuseka kwebenzi kwakafanana nokuputika kweminzwa pasi pehari; naizvozvowo hazvina maturo.

7Zvirokwazvo kumanikidza kunoita muchenjeri benzi; uye fufuro inoparadza njere.

8Kuguma kwechinhu kunopfuura kutanga kwacho; ano mwoyo murefu anopfuura ano mwoyo anozvikudza.

9Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nokuti kutsamwa kunogara pachipfuva chamapenzi.

10Usati, “Mazuva ekare anopfuura azvino nokunaka neiko?” Nokuti haungabvunzi saizvozvo nouchenjeri.

11Uchenjeri hwakaenzana nenhaka; zvirokwazvo, hwaisvonaka kuna vanoona zuva.

12Nokuti uchenjeri nemari zvinhu aginopa kudzivirira, asi kunakisa kwezivo ndiko kuti uchenjeri hunochengeta upenyu hwaiye anahwo.

13Cherechedza basa raMwari, nokuti ndiani angaruramisa chaakakombamisa iye?

14Fara nezuva rokugara zvakanaka, rangarira nezuva rokutambudzika; Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviviri, kuti munhu arege kuziva zviri mberi kwake.

15Izvozvi zvose ndakazviona pamazuva angu asina maturo. Akarurama ariko, anoparara pakati pokururama kwake, uyezve, munhu akaipa ariko, anorarama nguva huru pakati pezvakaipa zvake.

16Usava munhu akaisvorurama, usava akaisvochenjera; uchazviparadzireiko?

17Usava munhu akaisvoipa, uye usava benzi; uchafireiko nguva yako isati yasvika?

18Zvakanaka kuti ubatisise chinhu ichi, uye usabvisa ruoko rwako panechecho; nokuti anotya Mwari, achapukunyuka pana izvozvo zvose.

19Uchenjeri hunosimbisa akachenjera kupfuura vabati vane gumi vari muguta.

20Zvirokwazvo, hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka, asingatadzi.

21Uyezve, usava nehanya namashoko ose anotaurwa, kuti urege kunzwa muranda wako achikutuka.

22Nokuti kazhinji mwoyo wako unoziva kuti newewo wakatuka vamwe saizvozvo.

23Izvozvi zvose ndakazviidza nouchenjeri; ndakati, “Ndichava akachenjera; asi zvakanga zviri kure neni.”

24Izvo, zviripo, zviri kure, zvakadzika kwazvo, ndiani angazviziva?

25Ndakatendeuka, mwoyo wangu ukada kuziva nokunzvera, nokutsvaka uchenjeri namano, ndizive kuti kuipa upenzi, noupenzi kupenga.

26Ndikawana chinhu chinovava kukunda rufu, ndiye mukadzi ari musungo, mwoyo wake ari mambure, namaoko ake zvisungo; Ani naani anofadza Mwari, achapukunyuka kwaari; asi mutadzi achabatwa naye.

27Zvanzi noMuparidzi, “Tarirai, ndizvozvi zvandakawana, ndichiverenga chinhu chimwe nechimwe, kuti ndiwane shumo yazvo;

28zvinongoramba zvichitsvakwa nomweya wangu, asi ndigere kuzviwana, ndakawana murume mumwe pakati pechiuru chezana, asi handina kuwana mukadzi pakati pavazhinji vakadai.

29Asi tarirai, chinhu chimwe ichi chete ndicho chandakawana, kuti Mwari akaita munhu akarurama, asi ivo vakatsvaka mano mazhinji.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help