1Tumirai mubati wenyika makwayana, abve Sera aende kurenje, kugomo romukunda weZioni.
2Nokuti seshiri dzinodzungaira, sedendere rakaparadzirwa, ndizvo zvichaita vakunda vaMoabhu pamazambuko aArinoni.
3“Itai mano, ruramisira; mumvuri wako uuite sousiku pakati pamasikati makuru; vanza vadzingwa, usapandukira anotiza.
4Vanhu vangu vakadzingwa ngavagare newe; kana ari Moabhu, uve kwaari paangavanda pamberi pomuparadzi; nokuti mutambudzi haachipo, kuparadza kwapera, vamanikidzi vabva panyika.
5Chigaro choushe chichamiswa netsitsi; mumwe uchagara pamusoro pacho nechokwadi, mutende raDhavhidhi, achitonga, achitsvaka kururamisira vanhu, achikurumidza kuita zvakarurama.”
6Takanzwa zvokuzvikudza kwaMoabhu, kuti unozvikudza kwazvo; zvamanyawi ake, nokuzvikudza kwake, nehasha dzake; asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.
7Saka regai Moabhu achemere Moabhu, munhu wese ngacheme; chemai nokurwadzirwa makeke eKirihareseti, mamanikidzwa kwazvo.
8Nokuti minda yeHeshibhoni yaoma, nomuzambiringa weSibhima; madzishe amarudzi avhuna matavi awo akanaka, akanga achisvikira Jazeri, akanga atandira kurenje; matavi awo akanga atandavara, ayambukira gungwa.
9Saka ndichachema nokuchema kwaJazeri ndichichemera muzambiringa weSibhima; ndichakudiridza iwe Heshibhoni neEreare nemisodzi yangu; nokuti mhere yokurwa yawira pamusoro pezvibereko zvako zvezhizha napamusoro pokukohwa kwako.
10Mufaro wabviswa, nokufara pamunda waibereka zvakanaka; paminda yemizambiringa hapachazovi nokuimba kana izwi romufaro; hapachazovi musviniri anosvinira madzambiringa pazvisviniro; ndagumisa kupururudza.
11Naizvozvo mwoyo wangu unorira sembira pamusoro paMoabhu, nedumbu rangu pamusoro peKiriheresi.
12Zvino kana Moabhu achizviratidza pamberi paJehovha, kana achizvinetsa padunhu rakakwirira, nokupinda panzvimbo yake tsvene kuzonyengetera, haangatongobatsirwi chinhu.
13Ndirori shoko rakataurwa naJehovha pamusoro paMoabhu panguva yakare.
14Asi zvino Jehovha akataura achiti, “Makore matatu asati apfuura, samakore omunhu anobatira mubairo, kukudzwa kwaMoabhu kuchazvidzwa, pamwechete navanhu vake vazhinji; vakasara vachava vashoma kwazvo, vasina simba.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.