1Zvino awa ndiwo mashoko orugwaro rwakatumwa nomuporofita Jeremiya ari paJerusaremu kuvakuru vakanga vasara kuna vakatapwa, nokuvapristi nokuvaporofita, nokuvanhu vose, vakanga vakatapwa paJerusaremu naNebhukadhineza, vakaiswa Bhabhironi,
2(Shure kwokubva paJerusaremu kwamambo Jekonia, namai vake, navaranda, namachinda aJudha neeJerusaremu, navavezi, navapfuri),
3noruoko rwaErasa, mwanakomana waShafani, naGemaria, mwanakomana waHirikia, vakanga vatumwa Bhabhironi naZedhekiya mambo waJudha kuna Nebhukadhineza mambo weBhabhironi achiti,
4“Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, kuna vose vakatapwa, vandakatapisa Jerusaremu vaiswe Bhabhironi.
5“Zvivakirei dzimba, mugaremo; simai minda, mudye zvibereko zvayo;
6wanai vakadzi, mubereke vanakomana navanasikana; wanisai vanakomana venyu vakadzi, navanasikana venyu muvaise kuvarume, kuti vabereke vanakomana navanasikana, muwandeko, murege kutapudzwa.
7Mutsvake rugare rweguta kwandakakutapisai, murinyengeterere kuna Jehovha; nokuti norugare rwaro imi muchava norugarewo.
8Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Vaporofita venyu, vari pakati penyu, navauki venyu, ngavarege kukunyengerai; regai kuteerera kurota kwenyu kwamunoroteswa.’
9“Nokuti vanokuporofiterai nhema nezita rangu; ini handina kuvatuma, ndizvo zvinotaura Jehovha.”
10Nokuti zvanzi naJehovha, “Kana makore makumi manomwe aperera Bhabhironi, ndichakushanyirai, nokukusimbisirai shoko rangu rakanaka, ndichikudzoserai kunzvimbo ino.
11Nokuti ndinoziva ndangariro dzandinorangarira pamusoro penyu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndangariro dzorugare, dzisati dziri dzezvakaipa, kuti ndikupei mugumo une tariro.
12Muchadana kwandiri, muchandonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai.
13Muchanditsvaka, mukandiwana, kana muchinditsvaka nomwoyo wenyu wose.
14Ndichawanikwa nemi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichakudzosai pakutapwa kwenyu, nokukuunganidzai kumarudzi ose, nokunzvimbo dzose kwandakanga ndakudzingirai, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichakudzoseraizve kunzvimbo kwandakanga ndakutapisai.
15“Zvamakati, ‘Jehovha wakatimutsira vaporofita paBhabhironi;’
16zvanzi naJehovha pamusoro pamambo ugere pachigaro choushe chaDhavhidhi, napamusoro pavanhu vose vagere muguta rino, idzo hama dzenyu dzisina kuenda nemi pakutapwa kwenyu;
17zvanzi naJehovha wehondo, ‘Tarirai, ndichatuma pamusoro pavo munondo, nenzara, nechirwere chakaipa, ndichavaita samaonde akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.
18Ndichateverera nomunondo, nenzara, nechirwere chakaipa; ndichavaita chinhu chinotyisa ushe hwose hwenyika, vave chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinoridzirwa muridzo, nechinoshoorwa pakati pamarudzi ose kwandakavadzingira;
19zvavasina kuteerera mashoko angu, ndizvo zvinotaura Jehovha, andakatuma kwavari navaranda vangu vaporofita, ndichimuka mangwanani ndichivatuma; asi makaramba kuteerera, ndizvo zvinotaura Jehovha.
20Naizvozvo chinzwai shoko raJehovha, imi mose makatapwa, vandakadzinga paJerusaremu ndikavaisa Bhabhironi.’
21“Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, pamusoro paAhabhi mwanakomana waKoraia, napamusoro paZedhekiya mwanakomana waMaaseia, vanokuporofiterai nhema nezita rangu, ‘Tarirai, ndinovaisa muruoko rwaNebhukadhineza mambo weBhabhironi; iye uchavauraya pamberi penyu;
22vatapwa vose vaJudha, vari Bhabhironi, vachatora kwavari shoko rokutuka naro,’ vachiti, ‘Jehovha akuite saZedhekiya uye saAhabhi,’ vakagochwa pamoto namambo weBhabhironi.
23“Nokuti vakaita nohupenzi pakati paIsiraeri, vakaita hupombwe navakadzi vovokwavo, vakareva mashoko enhema nezita rangu, andisina kuvaraira; ini ndini ndinoziva, ndini chapupu, ndizvo zvinotaura Jehovha.”
24Zvino kuna Shemaia muNeheramite, unofanira kutaura uchiti,
25“Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Zvawakatuma magwaro nezita rako kuvanhu vose vari paJerusaremu, nokuna Zefaniya mwanakomana womupristi Maaseia, nokuvapristi vose,’ uchiti,
26‘Jehovha wakakuita mupristi panzvimbo yomupristi Jehoiadha, kuti mumba maJehovha muve navatariri, kuti asunge mumatanda namaketani mumwe nomumwe unopenga, achizviita muporofita.’
27“Ko zvino wakaregerei kutuka Jeremiya weAnatoti, unozviita muporofita pamberi penyu,
28zvaakatuma shoko kwatiri paBhabhironi, achiti, ‘Nguva irefu, vakai dzimba mugaremo; simai minda, mudye zvibereko zvayo?’ ”
29Zvino mupristi Zefaniya akaravira muporofita Jeremiya rugwaro urwu.
30Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya, richiti,
31“Tumira vakatapwa vose shoko rinoti, ‘Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaia muNeheramiti, Shemaia zvaakakuporofiterai, ini ndisina kumutuma, akakutendisai nhema,’
32naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndicharova Shemaia muNeheramiti, navana vake; haangavi nomunhu ungagara pakati pavanhu ava, uye haangaoni zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu ndizvo zvinotaura Jehovha nokuti wakataura zvinomukira Jehovha.’ ”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.