1Zvino namazuva iwayo Hezekiya akarwara, kusvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Chiraira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.’ ”
2Ipapo akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha, akati,
3“Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nezvokwadi nomwoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekiya akachema kwazvo.
4Zvino Isaya wakanga achigere kubuda paruvazhe rwapakati, shoko raJehovha rikauya kwaari, richiti,
5“Dzokazve, undoti kuna Hezekiya, mutungamiriri wavanhu vangu, ‘Zvanzi naJehovha Mwari waDhavhidhi baba vako, ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; zvino tarira, ndichakuporesa; nezuva rechitatu uchakwira kuimba yaJehovha.’
6“Ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu; ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria, ndichadzivira guta rino nokuda kwangu, uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu.”
7Ipapo Isaya akati, “Uyai nebundu ramawonde.” Ivo vakauya naro, vakariisa pamota, akapora.
8Zvino Hezekiya akati kuna Isaya, “Chiratidzo chichava cheiko kuti Jehovha uchandiporesa, ndikwire kumba kwaJehovha nezuva rechitatu here?”
9Isaya akati, “Ichi chichava chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha uchaita sezvaakataura. Unoda kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro ine gumi, kana udzoke mitaro ine gumi here?”
10Hezekiya akapindura, akati, “Zvakareruka kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro ine gumi; kwete, mumvuri ngaudzoke mitaro ine gumi.”
11Ipapo muporofita akadana kuna Jehovha, akadzosera mumvuri shure mitaro ine gumi pachikiratidzo chenguva chaAhazi.
12Zvino nenguva iyo Bherodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekiya; nokuti wakanga anzwa kuti Hezekiya wairwara.
13Hezekiya akavanzwa, akavaratidza imba yose yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri papfuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekiya.
14Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekiya, akati kwaari, “Ko varume ava vakati kudini? Vasvika kwauri vachibvepiko?” Hezekiya akati, “Vabva kunyika iri kure, Bhabhironi.”
15Akati, “Vakawonei mumba mako?” Hezekiya akapindura, akati, “Vakaona zvose zviri mumba mangu, hakuna chinhu pakati pepfuma yangu chandisina kuvaratidza.”
16Ipapo Isaya akati kuna Hezekiya, “Inzwa shoko raJehovha.
17‘Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi zvichaiswa Bhabhironi; hakuna chinhu chichasiyiwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
18Vamwe vavanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa; vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.’ ”
19Ipapo Hezekiya akati kuna Isaya, “Shoko raJehovha, ramataura, rakanaka haro.” Akatiwo, “Ko handizvo here, kana rugare nezvokwadi zviripo hazvo pamazuva angu?”
20Zvino mamwe mabasa aHezekiya, nesimba rake, nokuita kwake dziva nomugero, nokusvitsa kwake mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aJudha?
21Hezekiya akavata namadzibaba ake, Manase mwanakomana wake akamutevera paushe.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.