1Akakomborerwa munhu asingafambi
panorangana vakaipa,
Asingamiri panzira yavatadzi,
Asingagari panogara vadadi.
2Asi anofarira murairo waJehovha;
Anofungisisa murairo wake masikati nousiku.
3Achafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura,
Anobereka michero yawo nenguva yawo,
Mashizha awo haasvavi;
Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.
4Vakaipa havana kudaro;
Asi vakafanana nehundi inopeperetswa nemhepo.
5Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongeswa,
Navatadzi paungano yavakarurama.
6Nokuti Jehovha anoziva nzira yavakarurama;
Asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.