Mapisarema 1 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Bhuku 1(Mapis 1—41)Kufara kwavanoda Mwari, nokusafara kwavasingadi Mwari

1Akakomborerwa munhu asingafambi

panorangana vakaipa,

Asingamiri panzira yavatadzi,

Asingagari panogara vadadi.

2Asi anofarira murairo waJehovha;

Anofungisisa murairo wake masikati nousiku.

3Achafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura,

Anobereka michero yawo nenguva yawo,

Mashizha awo haasvavi;

Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.

4Vakaipa havana kudaro;

Asi vakafanana nehundi inopeperetswa nemhepo.

5Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongeswa,

Navatadzi paungano yavakarurama.

6Nokuti Jehovha anoziva nzira yavakarurama;

Asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help