1Haiwa, dai maibvarura denga, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu,
2sezvinoita moto kana uchipisa utsotso, nomoto kana uchivirisa mvura, kuti muzivise vadzivisi venyu zita renyu, kuti marudzi adedere pamberi penyu!
3Panguva yamakaita zvinhu zvinotyisa, zvatakanga tisina kutarira, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu.
4Nokuti kubva panguva yakare vanhu havana kunzwa, kana kunzwisisa nenzeve, kunyangwe neziso harina kuona Mwari kunze kwenyu, iye anobatira vanomumirira.
5Munosangana noanofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu; tarirai, makanga makatsamwa, nesu takatadza; takanga takadaro nguva refu, zvino tingaponeswa here?
6Nokuti isu tose tava soune tsvina, kururama kwedu kwose kwafanana nenguo ine tsvina; isu tose tinooma seshizha, zvakaipa zvedu zvinotibvisa semhepo.
7Hakuna anodana zita renyu, anozvimutsa kuti akunamatireyi; nokuti makativanzira chiso chenyu, mukatinyungurusa nezvakaipa zvedu.
8Asi zvino Jehovha, muri baba vedu; isu tiri ivhu, imi muri muumbi wedu, isu tose tiri basa roruoko rwenyu.
9Regai kutsamwa zvikuru, Jehovha, uye regai kurangarira zvakaipa zvedu nokusingaperi; tarirai, doonai, tiri vanhu venyu.
10Maguta enyu matsvene ashanduka renje, Zioni rashanduka renje, Jerusaremu rava dongo.
11Imba yedu tsvene, yakanakisa, pamakarumbidzwa namadzibaba edu, yatsva nomoto; nzvimbo dzedu dzose, dzataifarira, dzaparadzwa.
12Jehovha, mungazvidzora nokuda kwezvinhu izvi here? Mucharamba munyerere, muchititambudza zvikuru here?
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.