VaRoma 2 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Vanhu vose vakatadza, vanofanira kutongwa

1Saka hauna pembedzo iwe munhu, upi noupi, unotonga vamwe; nokuti pachinhu icho chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe, unotonga, unoita zvinhu izvozvo.

2Tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwazvokwadi kunovanoita zvinhu zvakadai.

3Iwe munhu, unotonga vamwe vanoita zvinhu zvakadai, iwe uchizviitawo, ko unoti ungatiza kutonga kwaMwari here?

4Unozvidza kanhi pfuma younyoro hwake, nomwoyo wake munyoro, nomwoyo wake murefu, usingazivi here kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka?

5Asi noukukutu hwako nomwoyo usingadi kutendeuka, unozviunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kwokutonga kwakarurama kwaMwari;

6iye achapa mumwe nomumwe paakaita napo,

7Vanotsvaka kubwinya, nokukudzwa, nokusafa, vachitsungirira pakuita zvakanaka, achavapa upenyu husingaperi.

8Asi kuna vane nharo, vasingateereri chokwadi, vanoteerera zvisakarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha,

9nokutambudzika nenhamo kumweya mumwe nomumwe womunhu anoita zvakaipa, pakutanga womuJudha, nowomuGiriki;

10asi kubwinya, nokukudzwa, norugare kune mumwe nomumwe anoita zvakanaka, kumuJudha pakutanga, nomuGirikiwo.

11Nokuti Mwari haatendi zvinoonekwa zvomunhu.

12Nokuti vose vakatadza vasina murairo, vachaparadzwawo vasina murairo; vose vakatadza vanomurairo, vachatongwa nomurairo;

13nokuti vanzwi vomurairo havazi ivo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vomurairo ndivo vanoruramiswa;

14(nokuti kana vahedheni vasina murairo vachiita pachavo zvinhu zvomurairo, vava murairo wavo vamene;

15nokuti vanoratidza basa romurairo wakanyorwa mumwoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwechete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza;)

16nezuva iro, Mwari raanozotonga naro zvakavanzika zvavanhu, naJesu Kristu, sezvinoreva Vhangeri yangu.

VaJudha havana pembedzo

17Zvino kana iwe unonzi muJudha, unovimba nomurairo, unozvirumbidza muna Mwari,

18unoziva kuda kwake, nokutsaura kuti zvakanaka ndezvipi, uchidzidziswa nomurairo,

19unozviti iwe uri mutungamiriri wamapofu, nechiedza chavari murima,

20nomurayiri wamapenzi, nomudzidzisi wavacheche, zvauno mufananidzo wokuziva nowechokwadi pamurairo;

21zvino iwe unodzidzisa mumwe, unoregereiko kuzvidzidzisa? Iwe unoparidza kuti, “Munhu arege kuba,” unobireiko iwe?

22Iwe unoti munhu arege kuita, “Upombwe,” unoitireiko upombwe iwe? Iwe unosema zvifananidzo, unobireiko iwe temberi dzavo?

23Iwe unozvirumbidza nomurairo, unoshoora Mwari nokudarika murairo neiko?

24Nokuti, sezvazvakanyorwa, zita raMwari rinomhurwa pakati pavahedheni nokuda kwenyu.

25Nokuti kudzingiswa kunobatsira, kana iwe uri muiti womurairo; asi kana uri mudariki womurairo, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa.

26Zvino, kana iye asina kudzingiswa achichengeta zvirevo zvomurairo, ko kusadzingiswa kwake hakunganzi kudzingiswa here?

27Neasina kudzingiswa kubva pakuzvarwa kwake, kana achichengeta murairo, haangakutongi here iwe unodarika murairo, iwe unomurairo wakanyorwa, uyewo kudzingiswa?

28Nokuti uyo haazi muJudha, ari muJudha pakuonekwa chete; nokudzingiswa hakuzi iko kunoonekwa, kuri panyama;

29asi muJudha ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko kwomwoyo, mumweya, kusati kuri kwezvakanyorwa; iye haarumbidzwi navanhu, asi naMwari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help