Mapisarema 113 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jehovha, Mubatsiri mukuru wavaduku, ngaarumbidzwe

1Hareruya!

Rumbidzai, imi varanda vaJehovha,

Rumbidzai zita raJehovha.

2Zita raJehovha ngarikudzwe

Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.

3Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro

Zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.

4Jehovha uri kumusoro kwavahedheni vose,

Nokubwinya kwake kumusoro kwokudenga–denga.

5Ndianiko akafanana naJehovha

Mwari wedu,

Iye anogara kumusoro,

6Iye anozvidukupisa kuti aone

Zviri kudenga napasi?

7Anosimudza murombo abve muguruva,

Nomushaiwi anomumutsa abve padurunhuru;

8Kuti amugarise pamwechete namachinda,

Iwo machinda avanhu vake.

9Anogarisa mukadzi asingabereki mumba,

Ave mai vanofara navana.

Hareruya!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help