2 Makoronike 33 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Manase mambo waJudha

1Manase akatanga kubata ushe ava namakore ane gumi namaviri; akabata ushe makore makumi mashanu namashanu paJerusaremu;

2akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatevera zvinonyangadza zvavahedheni vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana VaIsiraeri.

3Nokuti akavakazve matunhu akakwirira, akanga aputswa nababa vake Hezekiya; akamutsira vaBhaari atari, akaisapowo matanda okunamata nawo; akanamata kuhondo dzose dzokudenga, akadzishumira.

4Akavaka atari mumba maJehovha, kunyangwe Jehovha akati, “PaJerusaremu ndipo pachagara zita rangu nokusingaperi.”

5Akavakira hondo dzose dzokudenga atari muvazhe mbiri dzeimba yaJehovha.

6Akapinzawo vana vake mumoto pamupata womwanakomana waHinomu; akatenda mashura, akaita mazango, akabata uroyi, akagadza masvikiro navauki; akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, ndokumutsamwisa nazvo.

7Akaisa mufananidzo wakavezwa wechifananidzo chamwari, chaakanga aveza, mumba maMwari, imo makanga manzi naMwari kuna Dhavhidhi nokuna Soromoni mwanakomana wake, “Ndichaisa zita rangu nokusingaperi paimba ino napaJerusaremu, randakatsaura pakati pamarudzi ose aIsiraeri.

8Uye handichabvisi tsoka dzaIsiraeri panyika yandakaratidza madzibaba enyu; kana vachichenjera bedzi kuita zvose zvandakavaraira, murairo wose, nezvakatemwa, nezvakarairwa naMosesi.”

9Manase akatsausa vaJudha navakanga vagere Jerusaremu, vakaita zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana VaIsiraeri.

10Jehovha akataura naManase navanhu vake; asi havana kuteerera.

11Saka Jehovha akauyisa vakuru vehondo yamambo weAsiria kuzorwa navo, ivo vakabata Manase nezvikokoonho, vakamusunga namaketani, vakaenda naye Bhabhironi.

12Zvino akati ari pakutambudzika kwake, akachema kuna Jehovha Mwari wake, akazvininipisa kwazvo pamberi paJehovha Mwari wamadzibaba ake;

13akanyengetera kwaari; akamuteerera, akanzwa kukumbira kwake, ndokumudzosera Jerusaremu paushe hwake. Ipapo Manase akaziva kuti Jehovha ndiye Mwari.

14Shure kwaizvozvi wakavaka rusvingo nechokunze kweguta raDhavhidhi, kurutivi rwamavirazuva rweGihoni, mumupata, ipo pavanopinda napo pasuwo rehove; akakomberedza Oferi, akavaka rusvingo rwakakwirira kwazvo; akagadzawo vakuru vano umhare pamaguta ose akakombwa paJudha.

15Akabvisa vamwari vatorwa, nechifananidzo mumba maJehovha, neatari dzose dzaakanga avaka mugomo reimba yaJehovha, napaJerusaremu, ndokuzvirashira kunze kweguta.

16Akavakazve atari yaJehovha, akabayirapo zvibairo zvezvipiriso zvokuyananisa, nezvokuvonga, akaraira vaJudha kuti vashumire Jehovha Mwari waIsiraeri.

17Kunyangwe zvakadaro vanhu vakaramba vachibayira pamatunhu akakwirira, asi vakabayira Jehovha Mwari wavo bedzi.

18Zvino mamwe mabasa aManase, nomunyengetero wake kuna Mwari wake, namashoko avaoni vakataura kwaari nezita raJehovha Mwari waIsiraeri, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamabasa amadzimambo aIsiraeri.

19Munyengetero wakewo, nokunzwika kwomunyengetero wake, nezvivi zvake, zvose, nokudarika kwake, nenzvimbo paakavaka matunhu akakwirira napaakaisa matanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa, achigere kuzvininipisa, tarirai zvakanyorwa pakurondedzera kwaHozai.

20Ipapo Manase akavata namadzibaba ake, vakamuviga mumba make, Amoni mwanakomana wake akamutevera paushe.

Amoni mambo waJudha

21Amoni akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namaviri akabata ushe paJerusaremu makore maviri.

22Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita Manase baba vake; Amoni akabayira mifananidzo yose yakavezwa, yakanga yaitwa naManase baba vake, akazvishumira.

23Haana kuzvininipisa pamberi paJehovha, sokuzvininipisa kwaManase baba vake; asi Amoni uyu akaramba achingowedzera kudarika kwake.

24Varanda vake vakarangana vakamumukira, vakamuuraya mumba make.

25Asi vanhu venyika iyo vakazouuraya vose vakanga varangana vakamukira mambo Amoni; vanhu venyika iyo vakaita mwanakomana wake Josiya mambo panzvimbo yake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help