Jakobho 3 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Rurimi runofanira kudzorwa

1Hama dzangu, musava vadzidzisi vazhinji, zvamunoziva kuti tichatongwa nokupfuurisa.

2Nokuti tinogumburwa tose muzvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi mukutaura, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wosewo.

3Zvino kana tichiisa matare amabhiza mumiromo yawo, kuti atiteerere, tinodzorawo muviri wawo wose.

4Tarirai magwa makuru, kunyangwe ari makuru akadai, achidzingwa nemhepo dzine simba guru, anodzorwa nechidzoreso chidukuduku kwose–kwose nokuda kwomwoyo womufambisi wawo.

5Saizvozvowo rurimi mutezo muduku, runozvirumbidza zvikuru. Tarirai, moto muduku unotungidza huni zhinji sei!

6Rurimi moto, rwakaita senyika izere nezvisakarurama; ndizvo zvakaita rurimi pakati pemitezo yedu, runosvibisa muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu, runotungidza irwo neGehena.

7Nokuti marudzi ose emhuka, neeshiri, neezvinokambaira, neezviri mugungwa angapingudzwa, uye ukambopingudzwa navanhu;

8asi hakuna munhu angapingudza rurimi; ndicho chinhu chakaipa chinoshanduka–shanduka, chizere nomuti unouraya.

9Narwo tinorumbidza Ishe Baba; narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari;

10mumuromo mumwe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hatifaniri kudaro.

11Tsime rinobudisa pachitubhu chimwe mvura inonaka neinovava here?

12Hama dzangu, muonde ungabereka maorivhi, kana muzambiringa maonde here? Kunyangwe nemvura inovava haingabudisi inonaka.

Kuchenjera kunobva kumusoro

13Ndiani pakati penyu akachenjera, akangwara? Ngaaratidze nomufambiro wake wakanaka mabasa ake nounyoro hwouchenjeri.

14Asi kana mune godo rinovava norukave mumwoyo menyu, musazvirumbidza nokurevera zvokwadi nhema.

15Kuchenjera uku hakuburuki kuchibva kumusoro, asi ndokwenyika, kwatakamuka nako, kwomweya wakaipa.

16Nokuti pane godo norukave, ndipo pane nyonganiso namabasa ose akaipa.

17Asi kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, uye kuno rugare, kunyoro, kunoteerera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri.

18Chibereko chokururama chinodyarwa parugare navanoita rugare.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help