Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Aiwa, dai wakanga wakaita sehanzvadzi yangu,

Akamwa mazamu amai vangu!

Dai ndakuwana panze, ndingadai ndakutsvoda;

Zvirokwazvo, hakuna aindishora.

2Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai vangu,

Ivo vandidzidzise;

Ndaikupa waini yakavhenganiswa

nezvinonhuwira kuti uinwe,

Nomukumbi wamatamba angu.

3Ruoko rwake rworuboshwe ngaruve pasi pomusoro wangu,

Ruoko rwake rworudyi ngarundimbundikire.

4Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu,

Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo,

Kusvikira irwo rwada pacharwo.

5Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje,

Akasendamira pamudiwa wake?

Pasi pomuaporo ndipo pandakakumutsa;

Ndipo pakakutamburira mai vako,

Ndipo pavakakutamburira, ivo vakakubereka.

6Ndishonge sechisimbiso pamwoyo pako,

Sechisimbiso paruoko rwako;

Nokuti rudo rune simba sorufu;

Godo rinokuvadza seSheori;

Kupisa kwaro ndiko kupisa kwomoto,

Murazvo chaiwo waJehovha.

7Mvura zhinji haigoni kudzima rudo;

Nzizi hadzingarubitirisi;

Kunyangwe munhu akapa pfuma yose

yeimba yake kuti awane rudo,

Angazvidzwa chose.

8Tine chinun'una,

Chigere kuva namazamu;

Tichadiniko nechinun'una chedu

Nezuva raachakumbirwa?

9Kana ari rusvingo,

Tichavaka pamusoro pake kashongwe kesirivha;

Kana ari mukova,

Tichamukomberedza namapuranga emisidhari.

10Ini ndaiva rusvingo, mazamu angu

akaita shongwe dzarwo;

Panguva iyo ndakava pamberi pake

somunhu akawana rugare.

11Soromoni akanga ano munda

wemizambiringa paBhaarihamoni;

Akaisa munda uyo kuvatariri;

Mumwe nomumwe aifanira kumuvigira

masirivha ane gumi ramazana pamusoro pezvibereko zvawo.

12Munda wangu wemizambiringa,

iwo wangu, uri pamberi pangu;

Iwe Soromoni, uchapiwa gumi ramazana,

Navanochengeta zvibereko zvawo vachapiwa mazana maviri.

13Iwe, unogara muminda,

Shamwari dzako dzinoteerera izwi rako;

Nditendere ini ndirinzwewo.

14Kurumidza, mudiwa wangu,

Uve semharapara kana mwana wenondo

Pamusoro pamakomo ezvinonhuwira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help