1 Timoti 3 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mabasa avatungamiriri vechechi

1Ishoko rechokwadi, rokuti, kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rakanaka.

2Naizvozvo mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwechete, akangwara, akachenjera, anomugariro wakafanira, anoitira vaeni rudo, anoziva kudzidzisa,

3asingadi waini, asingarwi; asi munyoro, asina gakava, asingakariri mari;

4anobata imba yake zvakanaka, ana vana vanozviisa pasi nomugariro wose unokudzwa;

5(kana munhu asingazivi kubata imba yake, angachengeta seiko Chechi yaMwari?)

6Asava mutendi mutsva, kuti arege kuzozvikudza, atongwe saDhiabhori.

7Uyezve, unofanira kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuti arege kuzvidzwa, nokubatwa mumusungo waDhiabhorosi.

8Saizvozvowo vashumiri ngavave vanokudzwa, vasina mazwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri pfuma yakaipa;

9vanochengeta zvakavanzika zvokutenda muhana yakanaka.

10Naivo ngavatange kuedzwawo, ipapo vashumire, kana vasina chavangapomerwa.

11Saizvozvo navakadzi ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe, vakasvinuka, vakatendeka pazvose.

12Vashumiri ngavave varume vanomukadzi mumwechete, vanobata vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka;

13nokuti avo vakushumira zvakanaka, vanozviwanira zita rinokudzwa, nokutsunga kukuru pakutenda kwavo muna Kristu Jesu.

14Zvinhu izvi zvose ndinokunyorera, ndichiti ndichakurumidza kuuya kwauri;

15zvino kana ndikanonoka, ndinoda kuti uzive kuti vanhu vanofanira kufamba sei mumba maMwari, iyo Chechi yaMwari mupenyu, mbiru nechitsigiro chechokwadi.

16Hakuna angaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa pamweya, akaonekwa navatumwa, akaparidzwa pakati pavahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help