Mapisarema 38 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anochema kuna Jehovha pakutambudzika kwakePisarema raDhavhidhi, rokuyeudzira

1Haiwa Jehovha, regai kundiraira

pakutsamwa kwenyu;

Musandiranga nokusafara kwenyu kukuru.

2Nokuti miseve yenyu yandibaya,

Ruoko rwenyu runonditsikirira kwazvo.

3Hakuchina hukukutu panyama yangu

nokuda kwehasha dzenyu;

Uye hapachina mufaro pamapfupa angu

nokuda kwechivi changu.

4Nokuti zvakaipa zvangu zvafukidza musoro wangu;

Zvinondiremera somutoro unorema.

5Maronda angu anonhuwa, akaora,

Nokuda kwohupenzi hwangu.

6Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kwazvo,

Ndinofamba ndichichema zuva rose.

7Nokuti chiuno changu chinopisa zvikuru;

Hakuchina hukukutu panyama yangu.

8Ndakati rukutu, ndavhunika kwazvo;

Ndakagomera nokuda kwokutambudzika kwomwoyo wangu.

9Ishe, zvose zvinoda mwoyo wangu

zviri pamberi penyu;

Hamuna kuvanzirwa kugomba kwangu.

10Mwoyo wangu unopfura, ndapererwa

nesimba rangu;

Kana chiri chiedza chameso angu,

naicho chabva kwandiri.

11Vanondida, neshamwari dzangu,

vanomira kure nokuda kwechirwere changu;

Uye hama dzangu dzimire kure.

12Vanotsvaka upenyu hwangu vanonditeyira misungo;

Uye vanotsvaka kundikuvadza

vanotaura zvokuparadzwa kwangu,

Asi vanofunga kundinyengera zuva rose.

13Asi ini ndakafanana nematsi, handinzwi;

Ndakafanana nembeveve isingashamisi muromo wayo.

14Zvirokwazvo, ndakafanana nomunhu asinganzwi,

Asina mhinduro pamuromo wake.

15Nokuti ndimi, Jehovha, wandinotarira;

Imi muchapindura, Jehovha Mwari wangu.

16Nokuti ndakati, “Ngaavarege kufara pamusoro pangu;

Kana rutsoka rwangu ruchitedzemuka, vanozvikudza

pamusoro pangu.”

17Nokuti ndinovavarira kugumburwa,

Uye njodzi yangu iri pamberi pangu nguva dzose.

18Nokuti ndichazvireurura zvakaipa zvangu;

Ndichachema zvivi zvangu.

19Asi vavengi vangu vakasvinuka, vane simba;

Uye vanondivenga ndisina mhosva vawanda.

20Naivowo vanotsiva zvakaipa nezvakanaka,

Ndivo vadzivisi vangu, nokuti

ndinotevera chinhu chakanaka.

21Regai kundisiya, Jehovha;

Mwari wangu, regai kuva kure neni.

22Kurumidzai kundibatsira,

Ishe, imi muponesi wangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help