Mapisarema 144 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anokumbira kuti Jehovha amukundise, amuropafadzePisarema raDhavhidhi

1Ngaarumbidzwe Jehovha,

dombo rangu,

Anodzidzisa maoko angu kurwa,

Neminwe yangu kufura;

2Unyoro hwangu, nenhare yangu,

Shongwe yangu yakakwirira, nomurwiri wangu;

Nhoo yangu, uye iye wandinovimba naye;

Anoisa vanhu vangu pasi pangu.

3Jehovha, munhu chiiko, zvamune hanya naye?

Kana Mwanakomana womunhu,

zvamunomurangarira?

4Munhu akafanana nomweya;

Mazuva ake anenge mumvuri unopfuura.

5Kotamisa kudenga–denga kwenyu

Jehovha, muburuke;

Gunzvai makomo, apfungaire hutsi.

6Penyesai mheni, muvaparadze;

Furai miseve yenyu, muvavhunduse.

7Tambanudzai ruoko rwenyu muri kumusoro;

Ndisunungurei, mundirwire pamvura zhinji,

Naparuoko rwavatorwa;

8Avo vanotaura zvisina maturo nomuromo wavo,

Uye ruoko rwavo rworudyi ndirwo ruoko

rworudyi rwenhema.

9Mwari ndichakuimbirai rwiyo rutsva;

Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza

nomutengeranwa une ungiso dzine gumi.

10Ndimi munopa madzimambo kuponeswa,

Munorwira Dhavhidhi muranda wenyu

pamunondo unokuvadza.

11Ndisunungurei, mundirwire paruoko rwavatorwa,

Vanotaura zvisina maturo nomuromo wavo,

Uye ruoko rwavo rworudyi

ndirwo ruoko rworudyi rwenhema.

12Vanakomana vedu vachava semiti

yakakura kwazvo pautsva hwayo;

Uye vanasikana vedu samabwe ekona

akavezwa sezvinovezerwa imba yamambo;

13Matura edu achazara nezviyo zvamarudzi ose;

Namakwai edu achabereka zviuru negumi

rezviuru kumafuro edu.

14Nzombe dzedu dzichatakudzwa zvizhinji;

Hatingaputsirwi madziro, kana kubuda kundorwa,

Hakungavi nemhere inoridzwa panzira

dzomumusha medu;

15Vanomufaro vanhu avo, vanoitirwa saizvozvo;

Vanomufaro vanhu avo,

Mwari wavo ari Jehovha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help