1Wakati azarura chisimbiso chechinomwe, kunyarara kukavapo kudenga kunenge sehafu yenguva.
2Ipapo ndakaona vatumwa vanomwe vamire pamberi paMwari; vakapiwa hwamanda nomwe.
3Zvino mumwe mutumwa akauya, akamira paatari, anomudziyo wendarama wezvinonhuwira; akapiwa zvinonhuwira zvizhinji kuti azviise pamwechete neminyengetero yavatsvene vose pamusoro peatari yendarama, yakanga iri pamberi pechigaro choushe.
4Utsi hwezvinonhuwira hukakwira pamberi paMwari huchibva muruoko rwomutumwa pamwechete neminyengetero yavatsvene.
5Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuwira, akauzadza nomoto weatari, akaukandira panyika; ipapo kwakauya kutinhira, namazwi, nemheni, nokudengenyeka kwenyika.
6Ipapo vatumwa vanomwe vakanga vane hwamanda nomwe, vakazvigadzira kuti varidze.
7Wokutanga akaridza, kukauya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, zvikakandirwa panyika; ipapo chetatu chenyika chikatsva, nechetatu chemiti chikatsva, nouswa hutema hwose hwakatsva.
8Zvino mutumwa wechipiri akaridza, chimwe chakaita segomo guru rinopfuta moto chikakandwa mugungwa; ipapo chetatu chegungwa chikashanduka ropa;
9chetatu chezvisikwa zvakanga zviri mugungwa zvikafa, izvo, zvakanga zvino upenyu; nechetatu chezvikepe chikaparadzwa.
10Zvino mutumwa wechitatu akaridza, nyenyedzi huru, yakapfuta sezhenje, ikawa kudenga, ikawira pamusoro pechetatu chenzizi napamatsime emvura;
11zita renyenyedzi rakanga richinzi, “Chinovava;” ipapo chetatu chemvura chikavaviswa, vanhu vazhinji vakafa nemvura, nokuti yakanga yavaviswa.
12Zvino mutumwa wechina akaridza, chetatu chezuva chikarohwa, nechetatu chomwedzi, nechetatu chenyenyedzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, uye kuti chetatu chamasikati chirege kuvhenekera, nousiku saizvozvo.
13Ipapo ndakatarira, ndikanzwa gondo rimwe richibhururuka pakati pedenga, richiti nezwi guru, “Nhamo, nhamo, nhamo, kuna vanogara panyika, nokuda kwamazwi mamwe ehwamanda avatumwa vatatu vachazoridza.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.