1Tarira, akanaka sei, mudiwa wangu;
tarira, akanaka sei!
Meso ako akafanana neenjiva
pakutarira kwawo pakati pechifukidzo chako;
Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi,
Dzinoburukira mujinga megomo reGiriadhi.
2Meno ako akafanana neboka ramakwai achangoveurwa,
Anobva pakushambwa;
Rimwe nerimwe rawo rina vana vaviri,
Hakuna rimwe risina mwana.
3Miromo yako yakafanana netambo yakatsvuka;
Kutaura kwako kwakanaka;
Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba
Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.
4Mutsipa wako wakafanana nenhare yaDhavhidhi.
Yakavakirwa nhumbi dzokurwa,
Makaturikwa nhoo dzine chiuru chezana,
Dzose dziri nhoo dzemhare.
5Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara,
Vari vana vakaberekwa vari vaviri,
Vanochera pakati pamaruva ebundo.
6Kana zuva rotonhorera, mimvuri yotiza,
Ndichaenda kugomo remura,
Nokuchikomba chezvinonhuwira.
7Akaisvonaka, iwe mudiwa wangu;
Hakuna gwapa kwauri.
8Hendei tose, iwe mwenga wangu,
tibve paRebhanoni,
Tibve paRebhanoni tose;
Tarira uri pamusoro weAmana,
Pamisoro yeSeniri neHerimoni,
Panzvimbo dzeshumba,
Pamakomo engwe.
9Wanditorera mwoyo wangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu;
Wanditorera mwoyo wangu nokunditarira
kamwe nameso ako,
Nechishongo chimwe chomutsipa wako.
10Rudo rwako rwakanaka sei, hanzvadzi yangu,
mwenga wangu!
Rudo rwako runopfuura waini zvikuru sei!
Nokunhuwira kwezvizoro zvako miti
yose inonhuwira!
11Miromo yako, mwenga wangu,
inodonha musvi ouchi;
Uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako;
Kunhuwira kwenguo dzako kwakafanana
nokunhuwira kweRebhanoni.
12Hanzvadzi yangu, mwenga wangu,
munda wakakomberedzwa,
Chitubu chakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa.
13Matavi ako munda wamatamba,
une zvibereko zvakaisvonaka;
Maruva ehena nenarido,
14Narido nesafironi,
Karamusi nesinamoni, nemiti yose inonhuwira,
Mura negavakava, nezvose zvinoisvonhuwira.
15Uri tsime reminda,
Chitubu chemvura mhenyu,
Nenzizi dzinoyerera dzichibva Rebhanoni.
Kupindura kwomwenga16Muka, iwe mhepo yokumusoro;
uya, iwe mhepo yezasi;
Furidzira pamunda wangu, kuti
zvinonhuwira zvawo zvibudire kunze.
Mudiwa wangu ngaapinde mumunda make,
Ngaadye zvibereko zvake zvakaisvonaka.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.