Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Muwani anorumbidza mwenga

1Tarira, akanaka sei, mudiwa wangu;

tarira, akanaka sei!

Meso ako akafanana neenjiva

pakutarira kwawo pakati pechifukidzo chako;

Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi,

Dzinoburukira mujinga megomo reGiriadhi.

2Meno ako akafanana neboka ramakwai achangoveurwa,

Anobva pakushambwa;

Rimwe nerimwe rawo rina vana vaviri,

Hakuna rimwe risina mwana.

3Miromo yako yakafanana netambo yakatsvuka;

Kutaura kwako kwakanaka;

Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba

Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.

4Mutsipa wako wakafanana nenhare yaDhavhidhi.

Yakavakirwa nhumbi dzokurwa,

Makaturikwa nhoo dzine chiuru chezana,

Dzose dziri nhoo dzemhare.

5Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara,

Vari vana vakaberekwa vari vaviri,

Vanochera pakati pamaruva ebundo.

6Kana zuva rotonhorera, mimvuri yotiza,

Ndichaenda kugomo remura,

Nokuchikomba chezvinonhuwira.

7Akaisvonaka, iwe mudiwa wangu;

Hakuna gwapa kwauri.

8Hendei tose, iwe mwenga wangu,

tibve paRebhanoni,

Tibve paRebhanoni tose;

Tarira uri pamusoro weAmana,

Pamisoro yeSeniri neHerimoni,

Panzvimbo dzeshumba,

Pamakomo engwe.

9Wanditorera mwoyo wangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu;

Wanditorera mwoyo wangu nokunditarira

kamwe nameso ako,

Nechishongo chimwe chomutsipa wako.

10Rudo rwako rwakanaka sei, hanzvadzi yangu,

mwenga wangu!

Rudo rwako runopfuura waini zvikuru sei!

Nokunhuwira kwezvizoro zvako miti

yose inonhuwira!

11Miromo yako, mwenga wangu,

inodonha musvi ouchi;

Uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako;

Kunhuwira kwenguo dzako kwakafanana

nokunhuwira kweRebhanoni.

12Hanzvadzi yangu, mwenga wangu,

munda wakakomberedzwa,

Chitubu chakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa.

13Matavi ako munda wamatamba,

une zvibereko zvakaisvonaka;

Maruva ehena nenarido,

14Narido nesafironi,

Karamusi nesinamoni, nemiti yose inonhuwira,

Mura negavakava, nezvose zvinoisvonhuwira.

15Uri tsime reminda,

Chitubu chemvura mhenyu,

Nenzizi dzinoyerera dzichibva Rebhanoni.

Kupindura kwomwenga

16Muka, iwe mhepo yokumusoro;

uya, iwe mhepo yezasi;

Furidzira pamunda wangu, kuti

zvinonhuwira zvawo zvibudire kunze.

Mudiwa wangu ngaapinde mumunda make,

Ngaadye zvibereko zvake zvakaisvonaka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help