Jeremiya 11 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Shoko rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, richiti,

2“Inzwa mashoko esungano iyi, mutaure navanhu vaJudha, navagere Jerusaremu,

3uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, munhu usinganzwi mashoko esungano iyi, ngaatukwe,’

4aya andakaraira madzibaba enyu nezuva randakavabudisa munyika yeIjipiti, muchoto chamatare, ndichiti, ‘Teererai izwi rangu, muzviite zvose sezvandakakurairai; ipapo muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu;

5kuti ndisimbise kupika kwandakapikira madzibaba enyu, kuti ndichavapa nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvazvakaita zuva ranhasi.’ Ipapo ndakapindura, ndikati, ‘Ameni, Jehovha.’ ”

6Zvino Jehovha akati kwandiri, “Paridza mashoko awa ose pamaguta aJudha, napanzira dzomuJerusaremu, uchiti, ‘Inzwai mashoko esungano iyi, muaite.’

7Nokuti ndakarairira madzibaba enyu kwazvo nezuva randakavabudisa munyika yeIjipiti, kusvikira zuva ranhasi, ndichifumira mangwanani, ndichirairira, ndichiti, ‘Teererai izwi rangu.’

8Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi mumwe nomumwe wavo wakaramba achifamba nohukukutu hwomwoyo wake wakaipa; naizvozvo ndakauyisa pamusoro pavo mashoko ose esungano iyi, andakavaraira kuti vaaite, asi havana kuaita.”

9Zvino Jehovha akati kwandiri, “Rangano yakaipa yawanikwa pakati pavanhu vaJudha, napakati pavagere Jerusaremu.

10Vakadzokera kune zvakaipa zvamadzitateguru avo, akaramba kunzwa mashoko angu, vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire; imba yaIsiraeri neimba yaJudha vakaputsa sungano yangu yandakaita namadzibaba avo.

11“Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavo, zvavasingagoni kutiza; vachadanidzira kwandiri, asi handingavanzwi.

12Ipapo vamaguta aJudha navagere Jerusaremu, vachandodanidzira kuna vamwari vavanopisira zvinonhuwira; asi havangatongovaponesi panguva yokutambudzika kwavo.

13Nokuti iwe Judha, kuwanda kwavamwari vako kwakafanana nokuwanda kwamaguta ako; uye makavakira chinhu chinonyadzisa maatari, iwo maatari okupisira Bhaari zvinonhuwira, akawanda senzira dzomuJerusaremu.’

14“Saka iwe usanyengeterera vanhu ava, kana kudana nokuda kwavo nenzwi rako kana munyengetero wako; nokuti handingavanzwi nenguva yavanodanidzira kwandiri nokuda kwokutambudzika kwavo.

15“Mudikanwa wangu unotsvakeiko mumba mangu, zvaakaita zvinonyangadza navazhinji? Mhiko nenyama tsvene zvingabvisa njodzi yako here? Ipapo ungafara kwazvo.

16Jehovha akakutumidza zita rinonzi, Muorivhi mutema, wakanaka nezvibereko zvakanaka; asi wakazovesa moto pamusoro pawo nomubvumo webope guru, matavi awo akavhuniwa.

17Nokuti Jehovha wehondo, iye wakakusima, wakareva zvakaipa pamusoro pako, nokuda kwezvakaipa zveimba yaIsiraeri, neimba yaJudha, zvavakaita vachinditsamwisa nokupisira kwavo Bhaari zvinonhuwira.”

Vanorangana zvakaipa pamusoro paJeremiya

18Jehovha akandizivisa izvozvo, ndikazviziva; ipapo mukandiratidza zvavanoita.

19Asi ini ndakanga ndakafanana negwayana nyoro rinoiswa kundobayiwa; ndakanga ndisingazivi kuti vakanga varangana mano akaipa pamusoro pangu, vachiti, “Ngatiparadze muti pamwechete nezvibereko zvawo, ngatimubvise chose panyika yavapenyu, zita rake rirege kuzorangarirwa.”

20Asi imi Jehovha wehondo, imi munotonga zvakarurama, munoidza itsvo nomwoyo, ndichaona kutsiva kwenyu kwavari, nokuti ndakakuzarurirai mhaka yangu.

21Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavanhu veAnatoti, vanotsvaka kukuuraya, vachiti, “Haufaniri kuporofita nezita raJehovha, kuti urege kuurayiwa namaoko edu;”

22naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, “Tarirai, ndichavarova; majaya achaurayiwa nomunondo, vanakomana vavo navanasikana vavo vachaurayiwa nenzara;

23havangasarirwi navanhu, nokuti ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavanhu veAnatoti pagore rokurohwa kwavo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help