1 Samueri 11 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Sauro anokunda vaAmoni

1Zvino Nahashi muAmoni wakakwira akavaka misasa yake paJabheshi-gireyadhi kuzorwa naro; zvino varume vose veJabheshi vakati kuna Nahashi, “Itai sungano nesu tikushumirei.”

2Nahashi muAmoni akati kwavari, “Ndichatenda kuita sungano nemi kana meso enyu ose orudyi achitumburwa, kuti ndinyadze VaIsiraeri vose nazvo.”

3Vakuru veJabheshi vakati kwaari, “Titenderei mazuva manomwe, titume nhume kunyika yose yaIsiraeri; zvino kana pasina ungatiponesa, tichabuda kwauri.”

4Zvino nhume dzikasvika paGibhia, kwaSauro, dzikataura mashoko iwayo kuvanhu; vanhu vose vakachema kwazvo.

5Zvino Sauro wakabva kumunda achitinha mombe dzake; Sauro akati, “Vanhu vanonzweiko zvavanochema kudai?” Akaudzwa mashoko avarume veJabheshi.

6Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paSauro nesimba, achinzwa mashoko iwayo, kutsamwa kwake kukamutswa kwazvo.

7Akatora nzombe mbiri, akadziguranya ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsiraeri namaoko enhume, akati, “Ani nani unoramba kubuda nokutevera Sauro naSamueri, uchaitirwa nzombe dzake saizvozvo.” Zvino kutya, kwakabva kuna Jehovha, kwakabata vanhu, vakabuda vose–vose.

8Iye akavaverenga paBhezeki; vana VaIsiraeri vakasvika zviuru zvina mazana matatu, navarume vaJudha zviuru zvina makumi matatu.

9Vakati kunhume dzakauya, “Udzai varume veJabheshi-gireyadhi, muti, ‘Mangwana kana zuva ropisa, mucharwirwa.’ ” Nhume dzikaenda, dzikaudza varume veJabheshi, ivo vakafara.

10Naizvozvo varume veJabheshi vakati, “Mangwana tichabuda kwamuri, mutiitire henyu sezvamunoda.”

11Fume mangwana Sauro akagadzira vanhu, akavaita mapoka matatu, vakapinda pakati pemisasa nenguva yamangwanani vakauraya vaAmoni kusvikira zuva ropisa; zvino vakasara vakaparadzirwa, hakuna kusara vaviri pamwechete.

12Zvino vanhu vakati kuna Samueri, “Ndianiko wakati, ‘Sauro ungatibata ushe here?’ ” Hendei, tivauraye.

13Sauro akati, “Ngakurege kuurayiwa munhu mumwe nhasi, nokuti Jehovha akarwira Isiraeri.”

14Zvino Samueri akati kuvanhu, “Hendei Girigari, tinovandudza ushe ipapo.”

15Vanhu vose vakaenda Girigari, vakagadza Sauro ave mambo wavo pamberi paJehovha paGirigari, vakabayirapo zvibairo zvezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha; Sauro navarume vose VaIsiraeri vakafara kwazvo ipapo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help