1Ko muJudha anopfuura vamwe neiko? Kana kudzingiswa kunobatsireiko?
2Zvizhinji, nemitowo yose, Pakutanga, kuti ndivo vakapiwa mashoko aMwari.
3Nokuti zvinodiniko kana vamwe vasina kutenda? Ko kusatenda kwavo kuchakonesa kutendeka kwaMwari here?
4Haisva! Mwari ngaave wachokwadi, asi vanhu vose vave venhema; sezvazvakanyorwa, zvichinzi,
“Kuti mururamiswe pamashoko enyu,
Mukunde pakutonga kwenyu.”
5Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here, zvaanoita nehasha? (Ndinotaura nokutaura kwomunhu.)
6Haisva! Mwari angagozotonga nyika seiko?
7Zvino kana chokwadi chaMwari chawanzwa nenhema dzangu, iye akakudzwa nazvo, ko neniwo ndichatongerwei somutadzi?
8Ticharegereiko kutaura (sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinodaro), tichiti, “Ngatiite zvakaipa, kuti zvakanaka zvibudepo?” Kutongwa kwavo kwakarurama.
Vanhu vose vane zvivi, asi vanoruramiswa muna Jesu Kristu9Zvino todiniko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku; nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi;
10sezvazvakanyorwa, zvichinzi,
“Hakuna akarurama, kunyangwe nomumwe;
11Hakuna anonzwisisa,
Hakuna anotsvaka Mwari;
12Vakatsauka vose, vakava vanhu vasina maturo,
Hakuna anoita zvakanaka, kunyangwe nomumwechete;
13Huro dzavo hwiro hwakashama;
Vakanyengera nendimi dzavo;
Uturu hwenyoka huri mumiromo yavo;
14Muromo wavo uzere nokutuka nokuvava;
15Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;
16Kuparadza nenhamo zviri munzira dzavo;
17Nenzira yorugare havana kuiziva
18Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.”
19Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurairo, anozvitaura kuna vose vari pasi pomurairo; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.
20Nokuti hakuna nyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurairo; nokuti zvivi zvinoziviswa nomurairo.
21Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwomurairo, kuchipupurirwa nomurairo navaporofita;
22ndiko kururama kwaMwari kunouya nokutenda kuna Jesu Kristu kuna vose vanotenda; nokuti havasiyani,
23nokuti vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari.
24Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu;
25iye akagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregerwa, Mwari achivaitira mwoyo murefu;
26kuti kururama kwake kuratidzwe nenguva ino, kuti arurama iye amene, uye aruramise uyo unotenda kuna Jesu.
27Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurairo upiko? Wamabasa here? Kwete, asi nomurairo wokutenda.
28Naizvozvo tinoti, munhu anoruramiswa nokutenda kunze kwamabasa omurairo.
29Ko Mwari ndiye wavaJudha voga here? Haazi wavahedheniwo here? Hongu, wavahedheniwo.
30Mwari zvaari mumwechete, acharuramisa vakadzingiswa pamusoro pokutenda, navasina kudzingiswa nokutenda.
31Zvino tinokonesa murairo nokutenda here? Haisva! Asi tinosimbisa murairo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.