1Asi Jobho, chidonzwai henyu kutaura kwangu,
Teererai mashoko angu ose.
2Tarirai zvino, ndashamisa muromo wangu,
Rurimi rwangu rwataura mumuromo wangu,
3Mashoko angu achadudzira kururama kwomwoyo wangu;
Miromo yangu ichataura izvo zvainoziva nezvokwadi.
4Mweya waMwari wakandiita,
Kufuridzira kwowaMasimbaose
kunondipa upenyu.
5Kana mukagona, chindipindurai henyu;
Gadzirai mashoko enyu pamberi pangu, simukai henyu.
6Rairai, ini ndakafanana nemi pamberi paMwari;
Neniwo ndakahumbwa nevhu.
7Tarirai, kutyisa kwangu hakungakutyisiyi imi,
Uye handingakuremedziyi.
8Zvirokwazvo, makataura ini ndichizvinzwa,
Ndakanzwa izwi ramashoko enyu, richiti,
9“Ndakanaka, handina kudarika;
Handine mhosva, hapana zvakaipa mukati mangu;
10Tarirai, iye unowana mhosva kuti arwe neni,
Anonditi muvengi wake.
11Anosunga makumbo angu mumatanda,
Anocherechedza nzira dzangu dzose.”
12Tarirai, ndichakupindurai, pachinhu
ichi hamuna kururama,
Nokuti Mwari mukuru kupfuura munhu.
13Munorwireiko naye?
Nokuti haazvidaviriri pamashoko ake ose.
14Nokuti Mwari anotaura kamwechete,
Kana kaviri, asi munhu haane hanya nazvo.
15Pakurota, kana pane zvinoonekwa usiku,
Kana munhu abatwa nehope kwazvo,
Kana avete panhoo;
16Ipapo unodziura nzeve dzavanhu,
Nokusimbisa kurairwa kwavo,
17Kuti adzore munhu pakuvavarira zvakaipa,
Nokuvanzira munhu kuzvikudza;
18Kuti adzore mweya wake pagomba.
Upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.
19Unorangwawo achirwadziwa panhoo yake,
Nokutambudzika nguva dzose mumapfupa ake;
20Naizvozvo upenyu hwake hunosema zvokudya,
Nomwoyo wake zvokudya zvinonaka.
21Nyama yake inopedzwa, haichaonekwi,
Mapfupa ake, akanga asingaonekwi,
anobudira kunze.
22Zvirokwazvo mweya wake unoswedera kugomba,
Noupenyu hwake kuvaparadzi.
23Kana mutumwa akasvika kwaari,
Ari mushanduri, mumwe pakati
pavane zviuru zvamazana,
Kuti aratidze munhu nzira yakarurama;
24Mwari akamunzwira tsitsi, akati,
“Murwirei arege kuburukira kugomba,
Ndawana dzikinuro.”
25Nyama yake ichava itsva kupfuura yomwana;
Achadzokera kumazuva ouduku hwake.
26Anonyengetera kuna Mwari, iye achimufarira;
Naizvozvo anotarira chiso chake nomufaro;
Akadzosera munhu kururama kwake.
27Uchaimba pamberi pavanhu, achiti,
“Ndatadza, ndakanganisa zvakarurama,
Asi hazvina kundibatsira;
28Iye akarwira mweya wangu urege
kuburukira kugomba,
Upenyu hwangu huchaona chiedza.”
29Tarirai, Mwari unoita zvinhu izvi zvose,
Kaviri kana katatu nomunhu,
30Kuti adzose mweya wake pagomba,
Kuti avhenekerwe nechiedza chavapenyu.
31Cherechedzai zvakanaka, Jobho, mundinzwei;
Nyararai, ini nditaure.
32Kana mune shoko rokureva, ndipindurei;
Taurai, nokuti ndinoda kukururamisirai.
33Kana musingadi, nditeererei;
Nyararai, ini ndikudzidzisei huchenjeri.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.