1Unozvirumbidzireiko nezvakashata, iwe mhare?
Tsitsi dzaMwari dziripo misi yose.
2Rurimi rwako runofunga kutaura zvakaipa;
Rwakafanana nechisvo chinopinza,
ruchiita zvinonyengera.
3Unoda zvakaipa kupfuura zvakanaka;
Nokureva nhema kupfuura kutaura zvakarurama.
4Unoda mashoko ose okuparadza,
Iwe rurimi runonyengera.
5Mwari achakuparadzawo saizvozvo nokusingaperi,
Achakubata akakubvisa patende rako,
Nokukudzura panyika yavapenyu.
6Vakarurama vachazviona vakatya,
Vachamuseka, vachiti,
7“Tarirai, hoyu munhu asina kuita
Mwari nhare yake,
Asi akavimba nokuwanda kwepfuma yake,
Akazvisimbisa pazvakaipa zvake.”
8Asi kana ndirini, ndakafanana
nomuorivhi munyoro mumba yaMwari;
Ndinovimba netsitsi dzaMwari nokusingaperi–peri.
9Ndichakuvongai nokusingaperi, nokuti
ndimi makazviita;
Ndichamirira zita renyu pamberi pavatsvene
venyu nokuti rakanaka.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.