1Zvino Zedhekiya mwanakomana waJosiya wakabata ushe ari mambo panzvimbo yaKonia mwanakomana waJehoiakimu, wakanga apiwa ushe munyika yaJudha naNebhukadhineza mambo waBhabhironi.
2Asi iye, kunyangwe varanda vake, kana vanhu venyika, havana kuteerera mashoko aJehovha, aakataura nomuporofita Jeremiya.
3Zvino mambo Zedhekiya wakatuma Jehukari mwanakomana waSheremiya, naZefania mwanakomana womupristi Maaseia, kuno muporofita Jeremiya, achiti, “Tinyengeterere hako zvino kuna Jehovha Mwari wedu.”
4Zvino Jeremiya wakanga achingopinda nokubuda hake pakati pavanhu, nokuti vakanga vachigere kumusunga mutorongo.
5Hondo yaFarao yakanga yabvawo Ijipiti; zvino vaKaradhia, vakanga vakakomba Jerusaremu, vakati vachinzwa zvavo, vakarega kukomba Jerusaremu.
6Ipapo shoko raJehovha rakasvika kumuporofita Jeremiya, richiti,
7“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, itiyi kuna mambo waJudha wakakutumai kuzondibvunza, ‘Tarirai, hondo yaFarao, yakauya kuzokubatsirai, ichadzokera Ijipiti kunyika yavo.
8VaKaradhia vachauyazve vachirwa neguta rino; vacharikunda, nokuripisa nomoto.’
9“Zvanzi naJehovha, ‘Musazvinyengera henyu,’ muchiti, ‘Zvirokwazvo, vaKaradhia vachabva kwatiri, nokuti havangabvi.’
10“Nokuti kunyangwe maikunda henyu hondo yose yavaKaradhia, vanorwa nemi, kukangosara kwavari vanhu vakakuvadzwa bedzi, kunyangwe zvakadaro vaisimuka, mumwe nomumwe mutende rake, vakapisa guta rino nomoto.”
11Zvino hondo yavaKaradhia yakati yarega kukomba Jerusaremu nemhaka yokutya hondo yaFarao,
12Jeremiya akabuda Jerusaremu achida kuenda kunyika yavaBhenjamini, kuzopiwa mugove wakepo pakati pavanhu vake.
13Zvino wakati ari pasuwo raBhenjamini, mumwe mukuru wavarindi akasvikapo, wainzi Irija mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waHanania, iye akabata muporofita Jeremiya, achiti, “Iwe wotishandukira uchienda kuvaKaradhia.”
14Jeremiya akati, “Inhema, handikushandukiriyi ndichienda kuvaKaradhia.” Asi haana kumuteerera; ipapo Irija akabata Jeremiya, akandomuisa kumachinda.
15Machinda akaitira Jeremiya hasha, akamurova, ndokumuisa mutorongo mumba momunyori Jonatani; nokuti vakanga vaiita torongo.
16Zvino Jeremiya wakati apinda mutorongo yegomba, nomumakamuri ayo, Jeremiya akagaramo mazuva mazhinji,
17mambo Zedhekiya akatuma nhume kuzomutora, mambo akamubvunza chinyararire mumba make, achiti, “Kune shoko rinobva kuna Jehovha here?” Jeremiya akati, “Ririko.” Akatiwo, “Imi muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi.”
18Jeremiya akatiwo kuna mambo Zedhekiya, “Ndakakutadzirai neiko, imi, kana varanda venyu, kana vanhu ava, zvamakandisunga mutorongo?
19Ko zvino vaporofita venyu varipi, ivo vaikuporofiterai, vachiti, ‘Mambo weBhabhironi haangauyi kuzorwa nemi, kana kurwa nenyika ino?’
20Zvino chidonzwai henyu, ishe wangu mambo; kunyengetera kwangu ngakusvike pamberi penyu, kuti murege kundidzosazve kumba kwomunyori Jonatani, ndirege kufirapo.”
21Ipapo mambo Zedhekiya wakatema chirevo, vakaisa Jeremiya kuruvazhe rwavarindi, vakamupa zuva rimwe nerimwe bundu rechingwa, raibva munzira yomuguta yainzi yavabiki vechingwa, kusvikira chingwa chose chapera muguta. Saizvozvo Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.