1Vongai Jehovha; nokuti akanaka;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
2Isiraeri zvino ngavati,
“Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.”
3Imba yaAroni zvino ngaiti,
“Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.”
4Avo vanotya Jehovha zvino ngavati,
“Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.”
5Ndakadanidzira kuna Jehovha
pakutambudzika kwangu,
Jehovha paakandipindura, akandiisa pakafarikana.
6Jehovha ari kurutivi rwangu; handingatyi;
Munhu angandiiteiko?
7Jehovha ari kurutivi rwangu
pakati pavanondibatsira;
Saka ndichaona kukundwa kwavanondivenga.
8Zviri nani kutizira kuna Jehovha
Pakuvimba nomunhu.
9Zviri nani kutizira kuna Jehovha
Pakuvimba namachinda.
10Vahedheni vose vakandikomba;
Ndichavaparadza nezita raJehovha.
11Vakandikomba, zvirokwazvo, vakandikomba,
Ndichavaparadza nezita raJehovha.
12Vakandikomba senyuchi;
vakadzimwa somoto weminzwa;
Ndichavaparadza nezita raJehovha.
13Kundisundidzira wakandisundidzira
iwe kuti ndiwe;
Asi Jehovha akandibatsira.
14Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu;
Iye akava muponesi wangu.
15Izwi rokufara nerokuponeswa riri
mumatende avakarurama;
Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda.
16Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzwa,
Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda.
17Handingafi, asi ndichararama,
Ndichadudzira mabasa aJehovha.
18Kundiranga Jehovha akandiranga;
Asi haana kundiisa pakufa.
19Ndizarurirei masuwo okururama;
Ndichapinda navo, ndivonge Jehovha.
20Iri ndiro suwo raJehovha;
Vakarurama vachipinda naro.
21Ndichakuvongai, nokuti makandipindura,
Mukava muponesi wangu.
22Ibwe rakaraswa navavaki
Ndiro rakazova musoro wekona.
23Ichi chinhu chakabva kuna Jehovha;
Zvinoshamisa kana tichizviona.
24Rino izuva rakaitwa naJehovha;
Ngatifare kwazvo tirifarire.
25Tiponesei zvino, Jehovha ndizvo zvatinonyengetera;
Jehovha, tipei mufaro ndizvo zvatinonyengetera.
26Akaropafadzwa iye anouya nezita raJehovha;
Takakuropafadzai tiri mumba maJehovha.
27Jehovha ndiye Mwari, ndiye akativhenekera;
Sungirai chibayiro namabote ipo panyanga
dzeatari pamene.
28Imi muri Mwari wangu, ndichakuvongai;
Muri Mwari wangu, ndichakukudzai.
29Vongai Jehovha; nokuti akanaka;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.