Ezekieri 2 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kudanwa kwaEzekieri

1Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, mira namakumbo ako, ini nditaure newe.”

2Zvino akati achitaura neni, Mweya ndokupinda mukati mangu, akandimisa namakumbo angu; ndikanzwa akanga achitaura neni.

3Iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, ndinokutumira kuvana VaIsiraeri, kumarudzi anomukira simba, akandimukira simba ini; ivo namadzibaba avo vakandidarikira, kusvikira zuva ranhasi.

4Vana vane zviso zvisina kunyara nemwoyo mikukutu; ndinokutumira kwavari, iwe uti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha.

5‘Zvino ivo, kana vachida kunzwa, kana vasingadi nokuti ivo imba inondimukira simba, vachaziva kuti muporofita akanga aripo pakati pavo.’

6“Asi iwe, mwanakomana womunhu, usavatya ivo, usatya mashoko awo, kunyangwe uri pakati porukato neminzwa, ugere pakati pezvinyavada; usatya mashoko avo, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo imba inondimukira simba.

7Asi iwe unofanira kuvaudza mashoko angu, kana vachida kunzwa, kana vasingadi; nokuti vanondimukira simba kwazvo.

8“Asi iwe, Mwanakomana womunhu, teerera zvandinokuudza; usandimukira simba, sezvinondimukira imba iyo; shamisa muromo wako udye zvandichakupa.”

9Zvino ndakati ndichitarira, ndikaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri; tarira, bhuku yakapetwa yakanga irimo;

10akaipetenura pamberi pangu; yakanga yakanyorwa mukati nokunze, makanga makanyorwa mariro, nokuchema, nenhamo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help