Zekariya 11 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kuchema pamusoro penyika yaJehovha ichaparadzwa

1Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto upedze misidhari yako.

2Ungudza iwe musipiresi, nokuti musidhari wawira pasi, nokuti miti yakanaka kwazvo yaparadzwa; ungudzai, imi miouku yeBhashani, nokuti dondo risingabviri kupindwa ratemwa.

3Inzwai izwi rokuungudza kwavafudzi! Nokuti kukudzwa kwavo kwaparadzwa; inzwai izwi rokuwomba kwavana veshumba! Nokuti kuzvikudza kwaJodhani kwaitwa dongo.

Mufudzi akanaka nomufudzi akaipa

4Zvanzi naJehovha Mwari wangu, “Fudza makwai anozourayiwa;

5iwo anourayiwa navana vawo, vasina mhosva; vanoatengesa vanoti, ‘Jehovha ngaavongwe, nokuti ndakapfuma;’ vafudzi vawo havane tsitsi nawo.”

6“Nokuti handichazovi netsitsi navagere munyika ndizvo zvinotaura Jehovha; asi tarirai, ndichaisa vanhu avo, mumwe nomumwe muruoko rwookwake, nomuruoko rwamambo wake; vachaparadza nyika, ini ndisingavarwiri paruoko rwavo.”

7Saka ini ndakafudza makwai aizourayiwa, zvirokwazvo aiva makwai aizourayiwa, zvirokwazvo aiva makwai anonzwisa urombo. Ndikatora tsvimbo mbiri, imwe ndikaitumidza zita rinonzi, “Kunaka,” imwe ndikaitumidza zita rinonzi “Zvisungo;” ndikafudza makwai.

8Ndikaparadza vafudzi vatatu nomwedzi mumwe, nokuti mweya wangu wakanga waneta navo, nemweya yavo yakandisemawo.

9Ipapo ndikati, “Handichadi kukufudzai; chinoda kufa ngachife hacho, chinofanira kuparadza, ngachiparadzwe hacho; akasara ngaadye mumwe nomumwe nyama yomumwe.”

10Ipapo ndakatora tsvimbo yangu yainzi, “Kunaka,” ndikaivhuna–vhuna, kuti ndiputse sungano yangu yandakanga ndaita nendudzi dzose dzavanhu.

11Ikavhuniwa nezuva iro; naizvozvo varombo pakati pamakwai, vakanditerera, vakaziva kuti ishoko raJehovha.

12Ndikati kwavari, “Kana muchiti zvakanaka, chindipai mubairo wangu; kana zvisakanaka, regai.” Ipapo vakandiyerera mubairo wangu, masirivha ana makumi matatu.

13Jehovha akati kwandiri, “Chizvikandira kumuwumbi wehari; ndiwo mutengo wakanaka wandakatengwa nawo navo.” Ini ndikatora masirivha ana makumi matatu, ndikaakandira kumuwumbi wehari mumba maJehovha.

14Ipapo ndikavhuna–vhuna imwe tsvimbo yangu, yainzi, “Zvisungo,” kuti ndiputse ukama hwaiva pakati paJudha naIsiraeri.

15Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Chitorazve nhumbi dzomufudzi bedzi.

16Nokuti tarirai, ndichamutsa panyika ino mufudzi asingavi nehanya naakarashika, kana kutsvaka akapararira, kana kurapa akavhunika, kana kufudza anovata; asi achadya nyama yaakakora, nokubvamburanya mahwanda awo.

17Ane nhamo mufudzi asina maturo, anosiya makwai! Munondo uchatema ruoko rwake neziso rake rorudyi; ruoko rwake ruchaoma chose, uye ziso rake rorudyi richasvibirwa chose.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help