1Ndiwo madzimambo enyika akakundwa navana VaIsiraeri, vavakatorera nyika yavo mhiri kwaJodhani kumabvazuva, kubva pamupata weArinoni kusvikira pagomo reHerimoni, nerenje rose riri kumabvazuva:
2Sihoni, mambo waVaAmori, wakanga agere Heshibhoni, waibata ushe kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nehafu yeGiriadhi, kusvikira kurwizi Jabhoki, waiva muganhu wavana vaAmoni;
3nerenje kusvikira paGungwa reKineroti kumabvazuva, nokusvikira paGungwa rerenje, iro Gungwa Romunyu, kumabvazuva nenzira inoenda Bheti–jeshimoti nokurutivi rwezasi pajinga pePisiga;
4nenyika yaOgi, mambo weBhashani, wakanga asara pavaRegaimu, vakanga vagere paAshitaroti neEdhirei,
5waibata ushe pagomo reHerimoni, napaSareka, napaBhashani rose, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri, navaMaakati, nehafu yeGiriadhi; ndiyo nyika yaSihoni, mambo weHeshibhoni.
6Mosesi muranda waJehovha, navana VaIsiraeri vakavakunda; Mosesi muranda waJehovha akaipa Rubheni, navaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive yavo.
7Ndiwo madzimambo enyika iyo akakundwa naJoshua navana VaIsiraeri mhiri kwaJodhani kumavirazuva, kubva paBhaari–gadhi mumupata weRebhanoni, kusvikira pagomo reHaraki rinokwira richienda Seiri; Joshua akaipa marudzi aVaIsiraeri sezvavakanga vakamurirwa, kuti ive yavo.
8Panyika yamakomo, nomumapani, nomuArabha, napamitenusirwa, nomurenje, nezasi; ndiyo yaiva nyika yaVaHeti, neyaVaAmori, neyaVaKenani, neyaVaPerezi, neyaVaHivhi, neyaVaJebhusi,
9mambo weJeriko ndiye mumwe; namambo weAi, pedyo neBhetieri, mumwe;
10namambo weJerusaremu, mumwe; namambo weHebhuroni, mumwe;
11namambo weJarimuti, mumwe; namambo weRakishi, mumwe;
12namambo weEgironi, mumwe; namambo weGezeri mumwe;
13namambo weDhebhiri, mumwe; namambo Gedheri, mumwe;
14namambo weHoma, mumwe; namambo weAradhi, mumwe;
15namambo weRibhina, mumwe, namambo weAdhuramu, mumwe;
16namambo weMakedha, mumwe; namambo weBhetieri, mumwe;
17namambo weTapua, mumwe; namambo weHeferi, mumwe;
18namambo weAfeki, mumwe; namambo weRasharoni, mumwe;
19namambo weMadhoni, mumwe; namambo weHazori, mumwe;
20namambo weShimuroni–meroni, mumwe namambo weAkishafi, mumwe;
21namambo weTaanaki, mumwe; namambo weMegidho, mumwe;
22namambo weKedheshi, mumwe; namambo weJokineamu paKarimeri, mumwe;
23namambo weDhoru panyika yamakomo yaDhoru, mumwe; namambo weGoimi paGirigari, mumwe;
24namambo weTiriza, mumwe; madzimambo ose akanga ana makumi matatu nomumwe.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.