Hosiya 14 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jehovha anodana Isiraeri kuti vadzokere kwaari

1Aiwa, imi Isiraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, nokuti makagumburwa nezvakaipa zvenyu.

2Endai namashoko, mudzokere kuna Jehovha, muti kwaari, “Bvisai zvakaipa zvose, mugamuchire zvinhu zvakanaka, ipapo tichakupai miromo yedu, zvive zvibairo zvedu.

3Asiria havangatiponesi; hatingatasvi mabhiza, hatingazoti kubasa ramaoko edu. Ndimi vamwari vedu; nokuti nherera dzinowana nyasha kwamuri.”

4“Ndichaporesa kudzokera kwavo shure, ndichavada nokuda kwangu; nokuti kutsamwa kwangu kwabviswa kwavari.

5Ndichava sedova kuna Isiraeri, vachatunga seruva, vachatanda midzi yavo seRebhanoni.

6Matavi avo achatanda, kunaka kwavo kuchafanana nomuorivhi, nokunhuwira kwavo sokweRebhanoni.

7“Vanogara mumumvuri wavo vachadzoka, vachararama sezviyo, nokutunga maruva somuzambiringa; kurumbidzwa kwavo kuchafanana newaini yeRebhanoni.

8“Efuremu, ndichineiko nezvifananidzo? Ndakapindura, ndine hanya naye; ndakafanana nomuonde mutema, zvibereko zvako zvichawanikwa kwandiri.”

9Ndianiko akachenjera, anzwisise zvinhu izvi, kana akangwara, azvizive? Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama, vakarurama vachafamba nadzo; asi vadariki vachawa madziri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help