Mapisarema 60 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anochema kukundwa kwavo navavengi vavoKumutungamiriri wokuimba; nomuimbirwo weSusa Eduti; rwiyo rweMikitami rwaDhavhidhi, kudzidzisa; panguva yaakarwa naAraminaharaimi naAramizobha, Joabhu akadzoka akauraya paMupata woMunyu vaEdhomu vane zviuru zvine gumi nezviviri.

1Mwari, makatirasha, makatiparadza;

Makanga makatsamwa; Haiwa, tidzorei.

2Makabvundisa nyika; makaitsemura;

Gadzirai mitswe yayo; nokuti inozununguka.

3Makaratidza vanhu venyu zvinhu zvinorema;

Makatinwisa waini inobata.

4Makapa vanokutyai mureza,

Kuti uratidzwe nokuda kwezvokwadi.

5Kuti vadikanwi venyu varwirwe,

Tiponesei noruoko rwenyu

rworudyi, mutipindure.

6Mwari akataura pautsvene hwake,

achiti, “Ndichafara kwazvo;

Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti.

7Gireadhi ndeyangu Manase ndeyangu;

Efuremuwo inhawiro yomusoro wangu;

Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe.

8Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira;

Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu;

Iwe Firisitia, pururudza nokuda kwangu.”

9Ndianiko achandiisa muguta rakasimba?

Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu?

10Hamuna kutirasha here, Mwari?

Hamubudi Mwari, nehondo dzedu.

11Tibatsirei pamudzivisi wedu;

Nokuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo.

12Muna Mwari tichaita noumhare;

Nokuti ndiye achatsika vadzivisi vedu pasi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help