1Zvino vana VaIsiraeri vose vakabuda, ungano yose ikaungana nomwoyo mumwe kubva paDhani kusvikira paBheeri–shebha, pamwechete nenyika yeGire-riadhi, kuna Jehovha paMizipa.
2Madzishe avanhu vose, ivo vamarudzi ose aVaIsiraeri, vakandomira paungano yavanhu vaMwari, vakanga vane zviuru zvina mazana mana zvavanhu vaifamba namakumbo, vaigona kurwa nomunondo.
3(Zvino vana vaBhenjamini vakanga vanzwa kuti VaIsiraeri vakwira Mizipa.) Vana VaIsiraeri vakati, “Tiudzei kuti zvakashata izvi zvakaitwa sei?”
4Zvino muRevhi, murume womukadzi wakanga aurayiwa, akapindura, akati, “Ndakanga ndasvika paGibhia ravaBhenjamini ndinomurongo wangu, kuti tivatepo.
5Varume veGibhia vakandimukira, vakakomba imba usiku kuzorwa neni, vakanga vachida kundiuraya ini, uye murongo wangu vakamuchinya, akafa.
6Ipapo ndikatora murongo wangu, ndikamudimuranya, ndikamutuma kunyika yose yenhaka yaIsiraeri, nokuti vakaita zvinonyangadza nezvoupenzi pakati paIsiraeri.
7Tarirai, imi vana VaIsiraeri, imi mose, mutipei zano nomurangariro wenyu pano.”
8Ipapo vanhu vose vakasimuka nomwoyo mumwe, vakati, “Hakuna mumwe wedu ungaenda kutende rake, hakuna mumwe wedu ungadzokera kumba kwake.
9Asi tichaitira vanhu veGibhia chinhu ichi: Tichandorwa navo, sezvatinoratidzwa nemijenya.
10Tichatora varume vane gumi pazana rimwe nerimwe ramarudzi ose aVaIsiraeri, navane zana pachiuru chimwe nechimwe, navane chiuru pazviuru zvine gumi zvimwe nezvimwe, vandotorera vanhu mbuva, kuti kana vachisvika paGibhia ravaBhenjamini vavaitire zvakaenzana noupenzi hwavakaita pakati paIsiraeri.”
11Naizvozvo varume vose VaIsiraeri vakaungana paguta vano mwoyo mumwe.
12Zvino marudzi aVaIsiraeri akatuma varume kurudzi kwose rwaBhenjamini, vakati, “Izvi zvakashata zvakaitwa pakati penyu ndezveiko?
13Saka zvino tipei varume avo, vanhu vakaisvoipa, vari paGibhia, tivauraye, tibvise zvakaipa pakati paIsiraeri;” asi vana vaBhenjamini vakaramba kuteerera izwi rehama dzavo, ivo vana VaIsiraeri.
14Vana vaBhenjamini vakabva kumaguta vakaungana paGibhia, kuti varwe navana VaIsiraeri.
15Vana vaBhenjamini vakanga vabva kumaguta vakaverengwa musi uyo vakasvika varume vane zviuru zvina makumi maviri nezvitanhatu, vaigona kurwa nomunondo; zvino vakanga vagere Gibhia havana kuverengwa, ivo vakasvika varume vana mazana manomwe vakasanangurwa.
16Pakati pavanhu ava vose kwakanga kuna varume vana mazana manomwe vakasanangurwa, vakanga vane zviboshwe; mumwe nomumwe wavo waigona kurova ruvhudzi nebwe asingaposhi.
17Zvino varume VaIsiraeri, kunze kwavaBhenjamini, vakaverengwa, vakasvika varume vane zviuru zvina mazana mana, vaigona kurwa nomunondo; ava vose vaiva varwi.
18Vana VaIsiraeri vakasimuka, vakaenda Bhetieri, vakandobvunza zano kuna Mwari, vakati, “Ndianiko kwatiri unofanira kutanga kundovamba vana vaBhenjamini?” Jehovha akati, “Judha ndiye anofanira kutanga.”
19Zvino vana VaIsiraeri vakamuka mangwanani, vakandodzika matende avo kuzorwa naveGibhia.
20Varume VaIsiraeri vakabuda kundorwa navaBhenjamini; varume VaIsiraeri vakarongedza hondo kuzorwa navo paGibhia.
21Vana vaBhenjamini vakabuda paGibhia, vakaurayira pasi nomusi iwoyo varume VaIsiraeri vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri.
22Ipapo vanhu, varume VaIsiraeri, vakazvisimbisa, vakarongedzazve hondo pavakanga vairongedza nezuva rokutanga.
23(Vana VaIsiraeri vakakwira, vakandochema kuna Jehovha kusvikira madekwana; vakabvunza Jehovha, vakati, “Tinofanira kuswederazve kundorwa nehama dzedu, vana vaBhenjamini, here?” Jehovha akati kwavari, “Kwirai, mundorwa navo.”)
24Zvino vana VaIsiraeri vakaswedera kuzorwa navana vaBhenjamini nezuva repiri.
25VaBhenjamini vakabuda paGibhia kuzorwa navo nezuva repiri, vakaurayira pasi varume vavana VaIsiraeri vane zviuru zvine gumi nezvisere; ava vose vaigona kurwa nomunondo.
26Zvino vana VaIsiraeri vose navanhu vose vakakwira vakasvika paBheti–eri, vakachema vakagarapo pamberi paJehovha, vakazvinyima zvokudya zuva iro kusvikira madekwana; vakauya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha.
27Vana VaIsiraeri vakabvunza Jehovha, (nokuti areka yesungano yaMwari yakanga iripo pamazuva iwayo.
28NaFiniasi, mwanakomana waEriazari, mwanakomana waAroni, wakamira pamberi payo namazuva iwayo), vakati, “Tinofanira kubudazve kundorwa nehama dzedu, ivo vana vaBhenjamini, kana tirege here?” Jehovha akati, “Kwirai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.”
29VaIsiraeri vakaisa vanhu kuvandira Gibhia kunhivi dzose.
30Vana VaIsiraeri vakandorwa navana vaBhenjamini nezuva retatu, vakazvirongedza kundorwa neGibhia sapane dzimwe nguva.
31Vana vaBhenjamini vakabuda kuzorwa navanhu, vakanyengerwa nokubuda kure neguta; vakatanga sapane dzimwe nguva kubaya nokuuraya vamwe vanhu panzira huru mbiri, imwe yaikwira ichienda Bheti–eri, neimwe Gibhia, kusango, vakauraya varume VaIsiraeri vanenge makumi matatu.
32Zvino vana vaBhenjamini vakati, “Vakundwa nesu sapakutanga.” Asi VaIsiraeri vakati, “Ngatitize, tivanyengere vabude kunzira huru dziri kure neguta.”
33Varume vose VaIsiraeri vakasimuka kwavakanga vari, vakazvirongedza paBhaari–tamari; uye VaIsiraeri, vakanga vakavandira, vakakurumidza kubuda kwavakanga vari, paMaare–gebha;
34vakabuda pakatarisana neGibhia vaiva varume vane zviuru zvine gumi vakanga vakasanangurwa pakati paVaIsiraeri vose, kurwa kukanyanya kwazvo; asi vakanga vasingazivi kuti njodzi yava pedyo.
35Zvino Jehovha akaparadza Bhenjamini pamberi paIsiraeri, vana VaIsiraeri vakaparadza nomusi iwoyo varume vaBhenjamini vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvishanu nezana rimwe; ava vose vaigona kurwa nomunondo.
36Ipapo vana vaBhenjamini vakaona kuti vakundwa; nokuti varume VaIsiraeri vakatiza pamberi paBhenjamini, nokuti vakanga vachivimba navanhu vakanga vaiswa kuvandira paGibhia.
37Zvino vavandiri vakakurumidza, vakamhanyira Gibhia; vavandiri vakapfuura, vakaparadza guta rose neminondo inopinza.
38Zvino varume VaIsiraeri navavandiri vakanga vatenderana pamusoro pechiratidzo, kuti vachamutsa gore guru routsi rinobva muguta.
39Varume VaIsiraeri vakatendeuka pakurwa kwavo, vaBhenjamini vakatanga kubaya nokuuraya varume VaIsiraeri vanenge makumi matatu; nokuti vakati, “Zvirokwazvo, vakundwa nesu sapakurwa kwokutanga.”
40Asi gore rakati rotanga kukwira richibva muguta, seshongwe youtsi, vaBhenjamini vakacheuka, vakaona guta rose richipfungairira kudenga.
41Varume VaIsiraeri vakadzoka, varume vaBhenjamini vakavhundutswa, nokuti vakaona kuti vawirwa nenjodzi.
42Ipapo vakatiza pamberi pavarume VaIsiraeri, vakamhanya nenzira inoenda kurenje; asi hondo yakavatevera, uye vakanga vachibva mumaguta vakavauraya pakati pawo.
43Vakakomba vaBhenjamini kunhivi dzose, vakavadzinga ndokuvabata pavakazorora kusvikira pakatarisana neGibhia kumabvazuva.
44Vane zviuru zvine gumi nezvisere vaBhenjamini vakaurayiwa; avo vose vakanga vari varume voumhare.
45Vakatendeuka, ndokutizira kurenje kudombo reRimoni; vakauraya vamwe vavo panzira huru varume vane zviuru zvishanu; vakavatevera kusvikira paGidhomi, vakauraya pakati pavo varume vane zviuru zviviri.
46Naizvozvo varume vaBhenjamini, vakaurayiwa nezuva iro, vakanga vane zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, varume vaigona kurwa nomunondo; ava vose vaiva varume voumhare.
47Asi varume vana mazana matanhatu vakatendeuka, vakatizira kurenje padombo reRimoni, vakagara padombo reRimoni mwedzi mina.
48Varume VaIsiraeri vakadzokerazve kuvana vaBhenjamini, vakavauraya neminondo inopinza, guta rose, nemombe, nezvose zvavakawanapo; vakapisawo maguta ose avakawana.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.