1Zvino nguva yakati yasvika Jehovha yaakada kukwidza Eriya nayo kudenga nechinyamupupuri, Eriya akaenda naErisha vachibva Girigari.
2Eriya akati kuna Erisha, “Iwe chigara pano, nokuti Jehovha akandituma Bhetieri.” Erisha akati, “NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyi.” Naizvozvo vakaburukira Bhetieri.
3Zvino vanakomana vavaporofita vaiva paBhetieri, vakasvika kuna Erisha, vakati kwaari, “Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi?” Iye akati, “Hongu, ndinoziva; nyararai henyu.”
4Eriya akati kwaari, “Erisha, iwe chigara pano, nokuti Jehovha akandituma Jeriko.” Iye akati, “NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi.” Naizvozvo vakasvika Jeriko.
5Zvino vanakomana vavaporofita, vaiva paJeriko, vakaswedera kuna Erisha, vakati kwaari, “Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi?” Iye akapindura, akati, “Hongu, ndinoziva; nyararai henyu.”
6Eriya akati kwaari, “Iwe chigara pano, nokuti Jehovha akandituma kwaJodhani.” Iye akati, “NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi.” Ivo vari vaviri vakapfuura havo.
7Zvino varume vana makumi mashanu vavanakomana vavaporofita vakaenda vakandomira pakatarisana navo vari kure; ivo vari vaviri vakamira paJodhani.
8Ipapo Eriya akatora nguo yake, akaipeta, akarova mvura, ikaparadzaniswa napakati, naizvozvo ivo vaviri vakayambuka pakawoma.
9Zvino vakati vayambuka, Eriya akati kuna Erisha, “Kumbira chandingakuitira, ndichigere kubviswa kwauri.” Erisha akati, “Ndipei migove miviri yomweya wenyu.”
10Akati, “Wakumbira chinhu chinogozha; asi kana ukandiona ndichibviswa kwauri, uchaitirwa izvozvo; asi kana usingandiwoni, haungaitirwi izvozvo.”
11Zvino vakati vachifamba, vachingotaurirana havo, ngoro yomoto namabhiza omoto zvikasvika, zvikavaparadzanisa ivo vaviri; Eriya akakwira kudenga nechinyamupupuri.
12Erisha akazviona, akadanidzira, achiti, “Baba vangu, baba vangu, ngoro yeIsiraeri navatasvi vayo vamabhiza!” Akasazomuonazve; akabata nguo dzake akadzibvarura napakati.
13Akanonga jasi raEriya rakanga rawa kwaari, akadzoka akamira pamhenderekedzo yaJodhani;
14akatora jasi raEriya rakanga rawa kwaari, akarova mvura, akati, “Jehovha Mwari waEriya uripiko?” Zvino wakati arova mvura, ikaparadzaniswawo napakati, Erisha akayambuka.
15Zvino vanakomana vavaporofita vakanga vari paJeriko pakatarisana naye, vakati vachimuona, vakati, “Mweya waEriya wogara pamusoro paErisha.” Vakandosangana naye, vakakotamira pasi pamberi pake.
16Vakati kwaari, “Tarirai, isu varanda venyu, tina varume vana makumi mashanu vane simba; ivo ngavaende havo kundotsvaka tenzi wenyu, zvimwe Mweya waJehovha wamukwidza, ukamukandira pane rimwe gomo, kana muno mumwe mupata.” Iye akati, “Regai henyu kuvatuma.”
17Asi ivo vakati vamugombedzera, kusvikira anyara, akati, “Tumai henyu.” Naizvozvo vakatuma varume vana makumi mashanu, vakatsvaka mazuva matatu, asi havana kumuwana.
18Vakadzokerazve kwaari achiri paJeriko, iye akati kwavari, “Handina kukuudzai here, ndikati ‘Regai kuenda.’ ”
Erisha anorapa mvura yeJeriko19Zvino varume veguta vakati kuna Erisha, “Tarirai, henyu, nzvimbo yeguta yakanaka hayo, sezvamunoona, ishe wedu, asi mvura yakaipa, nenyika haibereki zvakanaka.”
20Iye akati, “Ndivigire ndiro itsva, mugoisa munyumo.” Vakamuvigira iyo.
21Akaenda kuchitubu chemvura, akadira munyu imomo, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndarapa mvura iyi, hapachazobvipo rufu, kana kusabereka.’ ”
22Naizvozvo mvura ikarapwa kusvikira, nhasi sezvakataura, iye Erisha.
Vana, vanoseka Erisha, vanourayiwa namapere23Zvino wakabvapo, akaenda Bhetieri; akati achikwira nenzira, zvikomana zvikabuda muguta, zvikamuseka, zvikati kwaari, “Iwe nyamanza, kwira, iwe nyamanza, kwira!”
24Iye akacheuka, akavaona, akavatuka nezita raJehovha. Ipapo mabheya maviri akabuda mudondo, akaparadza vana vana makumi mana navaviri vavo.
25Akabvapo, akaenda kugomo reKarimeri, akabvapo, akadzokera Samaria.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.