Isaya 59 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Zvivi zvavanhu vaJehovha

1Tarirai, ruoko rwaJehovha haruna kupfupiswa, kuti rukoniwe kuponesa, nzeve yake haina kuremerwa, kuti ikoniwe kunzwa;

2asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu, zvivi zvenyu zvakakuvanzirai chiso chake, kuti arege kunzwa.

3Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, neminwe yenyu nezvakaipa; miromo yenyu yakareva nhema, rurimi rwenyu runogununu'na zvakashata.

4Hakuna munhu anokwirira mumwe nokururama, hakuna anoreverera mumwe nezvokwadi; vanovimba nezvisina maturo, vachireva nhema; vanotora pamuviri pezvakashata, ndokubereka zvakaipa.

5Vanochochonya mazai emvumbi, vanoruka dandira rebuwe; anodya mazai avo achafa, kana richipwanyika rinobudisa nyoka.

6Matandira avo haangaiti nguo, havangafuki zvavakaita; mabasa avo mabasa ezvakaipa, kuita nesimba ndizvo zviri pamaoko avo.

7Tsoka dzavo dzinomhanyira zvakaipa, vanokurumidza kuteura ropa risina mhaka; ndangariro dzavo indangariro dzezvakaipa; kuparadza nokuputsanya zviri panzira dzavo.

8Nzira yorugare havaizivi; hakuna kururama pakufamba kwavo; vakazviitira nzira dzakaminama, ani naani anofamba nadzo haazivi rugare.

9Naizvozvo kururamisirwa kuri kure nesu, nokururama hakusvikiri kwatiri; tinotsvaka chiedza, asi, tarirai, rima bedzi; tinotsvaka kubwinya, asi tinofamba pakasviba.

10Tinotsvangadzira pamadziro samapofu; zvirokwazvo tinotsvangadzira savasina meso; tinogumburwa masikati sezvatinoita kana kwosviba; pakati pavapenyu takafanana navakafa.

11Tinoomba tose samapere, tinochema zvikuru senjiva; tinotsvaka kururamisirwa; asi hakuna; tinotsvaka ruponeso, asi ruri kure nesu.

12Nokuti kudarika kwedu kwakawanda pamberi penyu, zvivi zvedu zvinotipupurira; nokuti kudarika kwedu kunesu, kana zviri zvakaipa zvedu tinozviziva, zvinoti:

13Kudarikira Jehovha nokumuramba, nokutsauka tisingateveri Mwari wedu, kutaura mashoko okumanikidza nokumukira, kufunga nokutaura mashoko enhema anobva pamwoyo.

14Kururamisa kwakadzoswa shure, kururama kumire kure; nokuti chokwadi chakawira pasi panzira yomumusha, kutendeka hakugoni kupinda.

15Zvirokwazvo, chokwadi chinoshaikwa; anotiza zvakaipa anopambwa; Jehovha akazviona, zvikasamufadza kuti kwakanga kusina ruenzaniso.

16Akaona kuti hakuna munhu, akashamiswa nokuti kwakanga kusina murevereri; naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, kururama kwake kwakamutsigira.

17Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva, nenguwani yoruponeso pamusoro wake, akafuka nguo dzokutsiva zvikava zvokufuka zvake, akapfekedzwa nokushingaira sejasi.

18Sezvavakaita, achavaripira saizvozvo, kutsamwa kuvadzivisi vake, nokutsiva kuvavengi vake; zvivi uchazviripira mubairo wokutsiva.

19Naizvozvo vachatya zita raJehovha kubva kumavirazuva, noumambo hwake kubva kumabvazuva; nokuti achauya sorwizi runodira, runotinhwa nomweya waJehovha.

20“Zvino Mudzikinuri achasvika paZioni, nokuna vanodzoka pakudarika pakati paJakobho,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

21“Zvino kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo” ndizvo zvinotaura Jehovha, “Mweya wangu, uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvingabvi mumuromo mako, kana mumiromo yavana vako, kana mumiromo yavana vavana vako, kubva zvino kusvikira nokusingaperi” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help