VaHebheru 8 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Sungano yekare yapfuura, Kristu ndiye murevereri wesungano itsva

1Zvino, shoko guru pana izvozvo zvatataura, ndiro kuti: Tino Mupristi Mukuru akadai akagara kurudyi rwechigaro choushe choUmambo kudenga;

2iye mushumiri wezvinhu zvitsvene, nowetabhenakeri chaiyo, yakamiswa naIshe, isina kumiswa nomunhu.

3Nokuti Mupristi Mukuru mumwe nomumwe akagadzwa, kuti abayire Mwari zvipo nezvibairo; naizvozvo naiye aifanira kuti ave nechaangabayirawo;

4nokuti dai aiva panyika, angadai asina kuva mupristi, nokuti vapristi varipo, vanobayira Mwari zvipo sezvinorehwa nomurairo;

5ivo vanoshumira mufananidzo nomumvuri wezvokudenga, sezvaakarayirwa iye Mosesi oda kuita tabhenakeri; nokuti akati, “Tarira, uite zvose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo.”

6Asi zvino akapiwa basa rakanyanya kunaka, sezvaari Murevereri wesungano inopfuura nokunaka, yakasimbiswa nezvipikirwa zvinopfuura nokunaka.

7Nokuti dai iya yokutanga yakanga isina chaingapomerwa, yechipiri ingadai isina kutsvakirwa nzvimbo.

8Nokuti anovapa mhosva, achiti,

“Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Ishe,

Andichaita nawo sungano itsva neimba yaIsiraeri,

uye neimba yaJudha;

9Isina kuita sesungano yandakaita namadzibaba avo,

Pazuva randakabata ruoko rwavo,

kuti ndivabudise munyika yeIjipiti;

Nokuti havana kurambira musungano yangu,

Neni ndakasava nehanya navo,

ndizvo zvinotaura Ishe.

10Nokuti ndiyo sungano yandichaita nemhuri yaIsiraeri

Kana mazuva iwayo apfuura,

ndizvo zvinotaura Ishe;

Ndichaisa mirairo yangu pakufunga kwavo,

Napamwoyo yavo ndichainyora,

Ndichava Mwari wavo,

Ivo vachava vanhu vangu;

11Mumwe nomumwe haangazodzidzisi wokwake,

Kana mumwe nomumwe hama yake, ichiti,

‘Ziva Ishe;’

Nokuti vose vachandiziva,

Kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo.

12Nokuti ndichava nengoni nokusarurama kwavo,

Nezvivi zvavo handichazozvirangariri.”

13Zvaanoti: Sungano itsva, akasakadza yokutanga; zvino chinhu chosakara, chova chakare, choda kurova.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help