Zvirevo 2 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kunaka kwouchenjeri

1Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu,

Nokuchengeta mirairo yangu kwauri;

2Kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri,

Nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise;

3Kana ukachemera kunzwisisa,

Ukadanidzira nezwi rako kuti uwane njere;

4Zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha,

Ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa;

5Ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha,

Nokuwana zivo yaMwari.

6Nokuti Jehovha ndiye anopa uchenjeri;

Mumuromo make munobuda zivo nenjere,

7Unovigira vakarurama uchenjeri chaihwo;

Ndiye nhoo yavanofamba muzvokwadi;

8Nokuti anorinda makwara okururamisa,

Nokuchengeta nzira yavatsvene vake.

9Ipapo uchanzwisisa kururama noruenzaniso,

Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka.

10Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako,

Zivo ichafadza mweya wako;

11Kungwara kuchakurindira,

Njere dzichakuchengeta;

12Zvikurwire panzira yezvakaipa,

Napavanhu vanotaura zvisakarurama;

13Vanorasha makwara okururama,

Kuti vafambe nenzira dzerima;

14Vanofarira kuita zvakaipa,

Vanofadzwa nokunyengera kwezvakaipa.

15Vane nzira dzakaminama,

Vanotsauka pamakwara avo;

16Kuti zvikurwire kumukadzi wokumwe,

Kumukadzi mutorwa, anobata kumeso namashoko ake.

17Iye, anorasha shamwari yohumhandara hwake,

Achikanganwa sungano yaMwari wake.

18Nokuti imba yake inonyura kurufu,

Nenzira dzake kuvakafa;

19Hakuna anopinda kwaari anozodzokazve;

Havasviki panzira dzoupenyu;

20Kuti ufambe nenzira yavakanaka,

Uchengete makwara avakarurama.

21Nokuti vakarurama vachagara panyika,

Vakakwana vachafambirapo.

22Asi vakaipa vachaparadzwa panyika;

Vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help