1 VaKorinde 16 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Zvipo zvakaunganidzirwa vatendi vapaJerusaremu, namamwe mashoko okupedzisira

1Zvino, kana zviri zvipo zvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira Chechi yeGaratia, itai nemiwo saizvozvo.

2Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, aunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuunganidzwa, kana ndichisvika.

3Kana ndasvika, ndichatuma avo vamunotenda netsamba, vagondoisa zvipo zvenyu Jerusaremu.

4Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vangaenda neni.

5Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMasedhonia; nokuti ndinogura neMasedhonia.

6Zvimwe ndichagara nemi, kunyangwe ndipedze chando, kuti mugondiperekedza pose pandinoenda.

7Nokuti handidi kukuonai zvino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndichazogara nemi chinguva, kana Ishe achinditendera.

8Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekositi.

9Nokuti ndazarurirwa musuwo mukuru, une basa guru; navadzivisi vazhinji varipo.

10Zvino kana Timoti achisvika, chenjerai kuti agare nemi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe, sezvandinoita neniwo.

11Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anomuzvidza. Asi muperekedzei norugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamwechete nehama.

12Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti auye kwamuri pamwechete nedzimwe hama; asi akanga asingatongodi kuuya zvino, achauya hake kana awana nguva yakanaka.

13Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai savarume, musimbiswe.

14Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo.

15Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, munoziva mhuri yaSitefani, kuti ndicho chibereko chokutanga paAkia, vakazviisa kuti vashumire vatsvene.

16Kuti nemiwo muzviise pasi pavakadaro, napasi pavose vanotibatsira navanobata basa iri.

17Ndinofara nokuuya kwaSitefani, naFochunatosi, naAkayikosi; nokuti ivo vakandiitira zvamakanga musingagoni kuita imi.

18Nokuti vakazorodza mweya wangu nowenyu; naizvozvo kudzai vakadaro.

19Chechi dzapaEzhia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwechete nechechi iri mumba mavo.

20Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokutsvoda kutsvene.

21Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruoko rwangu.

22Kana munhu asingadi Ishe, ngaave akatukwa. Ishe anouya!

23Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive nemi.

24Rudo rwangu ngaruve nemi mose muna Kristu Jesu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help