Jona 4 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jona anotsamwa, asi Jehovha anomuraira

1Asi zvakaodza mwoyo waJona kwazvo, akatsamwa.

2Akanyengetera Jehovha, akati, “Aiwa, Jehovha, handizvo zvandakataura, ndichiri munyika yangu here? Saka ndakachimbidzika kutizira Tashishi; nokuti ndakanga ndichiziva kuti muri Mwari ane nyasha, ane ngoni, asingachimbidziki kutsamwa, azere nounyoro, muchizvidemba pamakafunga kuuyisa zvakaipa.

3Saka Jehovha, zvino chinditorerai henyu upenyu hwangu; nokuti zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.”

4Jehovha akati, “Zvakanaka here zvawatsamwa?”

5Ipapo Jona akabuda muguta, akandogara kurutivi rwamabvazuva rweguta, akazvivakirapo musasa, ndokugaramo mumumvuri, achiti ndigoona zvichaitirwa guta.

6Jehovha Mwari ndokuraira muti womuchindwe, akaumeresa kumusoro kwaJona, kuti uve mumvuri pamusoro wake, shungu dzake dzinyaradzwe. Zvino Jona akafarira kwazvo muti womuchindwi.

7Asi nezuva rakatevera Mwari akaraira gonye mangwanani, rikamunya muchindwi, ukasvava.

8Zvino zuva rakati richibuda, Mwari akaraira mhepo inopisa inobva mabvazuva; zuva rikabaya musoro waJona, akaziya, akakumbira kuti afe hake, akati, “Zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.”

9Mwari akati kuna Jona, “Zvakanaka here zvawatsamwira muchindwi?” Akati, “Zvakanaka kuti nditsamwe, kusvikira parufu pamene.”

10Jehovha akati, “Iwe wakanga une tsitsi nomuti womuchindwi wausina kutamburira, kana kuumeresa, iwo, wakamera nousiku humwe, ukapararazve nousiku humwe;

11ko zvino ini handizaifanira kuva netsitsi neNinivha, riya guta guru, muna vanhu vanopfuura zviuru zvine zana namakumi maviri, vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi kana ruoko rwavo rworuboshwe ndorupi, uye zvipfuwo zvizhinji here?”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help