VaEfeso 6 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Imi vana, teererai vabereki venyu muna Ishe; nokuti ndizvo zvakarurama.

2Kudza baba vako namai ndiwo murairo wokutanga une chipikirwa

3kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika.

4Nemi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokurayira kwaIshe.

5Imi varanda, teererai avo vari vatenzi venyu panyama, nokutya nokudedera, nemwoyo yakarurama, muchizviita sokuna Kristu;

6musingabati basa kana muchionekwa bedzi, savafadzi vavanhu, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari nomwoyo wose;

7muchibata basa nomwoyo wakanaka, muchizviita sokuna Ishe, musingaitiri vanhu;

8muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka, chinoitwa nomunhu mumwe nomumwe, achapiwazve naIshe, kana akasungwa kana akasununguka.

9Nemi madzishe, muvaitire saizvozvo, murege kuvatyisa; nokuti munoziva kuti Ishe wavo nowenyu ari kudenga; haatendi zvinoonekwa zvomunhu.

Nhumbi dzomukristu dzokurwa nadzo

10Pakupedzisira ivai nesimba muna Ishe, nomusimba rake guru.

11Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDhiabhori.

12Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navane simba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga.

13Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose.

14Naizvozvo mirai makasunga zviuno zvenyu nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechipfuva chokururama,

15makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweVhangeri yorugare;

16pamusoro paizvozvi makatora nhoo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa.

17Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro shoko raMwari.

18Munyengetere nguva dzose nokunyengetera kwose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kwose nokukumbirira vatsvene vose,

19neniwo, kuti ndipiwe shoko kuti ndidudzire ndisingatyi zvakavanzika zveVhangeri,

20yandiri nhume yayo yakasungwa nengetani; kuti ndizvitaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.

Mashoko okupedzisira

21Zvino kuti muzivewo zvangu, kuti ndakadiniko, Tikiko, hama inodikanwa, nomushumiri akatendeka muna Ishe, uchakuzivisai zvose;

22ndakamutuwa kwamuri neshoko iri, kuti muzive zvinhu zvedu, anyaradze mwoyo yenyu.

23Rugare ngaruve nehama, norudo pamwechete nokutenda, zvinobva kuna Mwari, Baba, naIshe Jesu Kristu.

24Nyasha ngadzive navose vanoda Ishe wedu, Jesu Kristu, norudo rusingaori.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help