Hosiya 7 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1“Kana ndichirapa Isiraeri, kuipa kwaEfuremu kwoonekwa nezvakashata zveSamaria; nokuti vanonyengera, mbavha inopinda mukati uye boka ramakororo rinoparadza kunze.

2“Asi havafungi mumwoyo yavo kuti ndinorangarira zvakaipa zvavo zvose; zvino zvavakaita zvinovakomberedza, zviri pamberi pangu.”

3“Vanofadza mambo nezvakashata zvavo, namachinda nenhema dzavo.

4Vose imhombwe; vakafanana nechoto chakaveserwa nomubiki wechingwa; unorega kukuchidzira moto, kana akanya bundu rechingwa, kusvikira ravira.

5Nezuva ramambo wedu machinda akarwariswa nokupisa kwewaini; iye akatambanudza ruoko rwake pamwechete navaseki.

6Nokuti vakagadzira mwoyo yavo sechoto, vachivandira; mubiki wavo wechingwa unovata usiku hwose, mangwanani chinopfuta somurazvo womoto.”

7“Vanopisa vose sechoto, vanoparadza vatongi vavo; madzimambo avo ose akawira pasi, hakuna nomumwe pakati pavo anodana kwandiri.

8“Efuremu ndiye anozvivenganisa namamwe marudzi, Efuremu chingwa chisina kushandurwa.

9Vatorwa vakapedza simba rake, asi iye haazvizivi; zvirokwazvo vhudzi rake rochena pose pose, asi iye haazvizivi.

10Kuzvikudza kwaIsiraeri kunopupura pamberi pake, asi havana kudzokera kuna Jehovha Mwari wavo, kana kumutsvaka, kunyangwe izvi zvose zvakadaro.

11Efuremu akaita senjiva isina mano, isina njere; vanodana Ijipiti, vanoenda Asiria.

12Kana vachienda, ndichakandira mumbure wangu pamusoro pavo, ndichavakwevera pasi seshiri dzokudenga; ndichavaranga sezvavakaudzwa paungano yavo.

13“Vane nhamo ivo nokuti vakatsauka kwandiri; ngavaparadzwe, nokuti vakandidarikira; kunyangwe ndakanga ndichida kuvadzikinura, vakandirevera nhema.

14“Havana kudana kwandiri nemwoyo yavo, asi vanoungudza panhoo dzavo; vanounganira zviyo newaini itsva, vanondimukira.

15Kunyangwe ndakavadzidzisa nokusimbisa maoko avo, kunyangwe zvakadaro vanofunga kundiitira zvakaipa.

16Vanodzoka, asi havadzokeri kuna iye ari kumusoro; vakafanana nouta hunonyengera; machinda avo achaparadzwa nomunondo nokuda kwehasha dzamarimi avo; ndiko kuchava kusekwa kwavo panyika yeIjipiti.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help