Mapisarema 56 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anochema nokuda kwavavengi vakeKumutungamiri wokuimba; nomuimbirwo weNjiva iri mumioki iri kure. Pisarema raDhavhidhi; rwiyo rweMikitami; panguva yaakabatwa navaFirisitia paGati.

1Ndinzwirei tsitsi, Mwari;

nokuti vanhu vanotsvaka kundimedza;

Zuva rose vanorwa neni vachindimanikidza.

2Vavengi vangu vanoda kundimedza zuva rose;

Nokuti vanorwa neni vachizvikudza vazhinji.

3Panguva yandinotya,

Ndichavimba nemi.

4MunaMwari ndicharumbidza shoko rake;

Ndakavimba naMwari, handingatyi;

Nyama ingandiiteiko?

5Zuva rose vanoshandura mashoko angu;

Mifungo yavo yose inondifungira zvakaipa.

6Vanoungana, vanovanda,

Vanocherechedza makwara angu,

Kana vachivandira mweya wangu.

7Vachapukunyuka nenzira yezvakaipa here?

Paradzai vanhu nokutsamwa kwenyu, Mwari.

8Imi munoverenga madzungairiro angu;

Isai misodzi yangu mumudziyo yenyu;

Haizi murugwaro rwenyu here?

9Ipapo vavengi vangu vachadzokera

shure nomusi wandinodana;

Ndinoziva chinhu ichi, kuti

Mwari ari kurutivi rwangu.

10MunaMwari ndicharumbidza shoko rake;

MunaJehovha ndicharumbidza shoko rake.

11Ndakavimba naMwari, handingatyi;

Vanhu vangandiiteiko?

12Ndinosungwa nezvandakakupikirai Mwari;

Ndichakuvigirai zvipiriso zvokuvonga nazvo.

13Nokuti makarwira mweya wangu parufu;

Namakumbo angu pakugumburwa.

Kuti ndifambe pamberi paMwari

Muchiedza choupenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help