1Chirevo pamusoro peDhamasikosi. Tarirai, Dhamasikosi robviswa, rirege kuzova guta, richava dongo rakakoromoka.
2Maguta eAroeri asiyiwa; achava mafuro ezvipfuwo, zvichavatapo pasi, zvisina anozvivhundusa.
3Nhare ichabviswa pana Efuremu, noushe paDhamasikosi; vakasara veSiria vachava sembiri yavana VaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
4Zvino nezuva iro ukuru hwaJakobho huchaitwa hutende, uye kukora kwenyama yake kuchaonda.
5Zvichafanana nenguva kana mucheki achiunganidza zviyo mumunda, achicheka hura noruoko rwake; zvirokwazvo zvichafanana nokuunganidza hura pamupata weRefaimi.
6Kunyangwe zvakadaro mimwe michero ichasariramo, sezvinoitika kana muorivhi uchizuzwa, zvibereko zviviri kana zvitatu kumuromo wedavi rokumusoro–soro, zvina kana zvishanu pamatavi okunze omuti unobereka kwazvo, ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsiraeri.
7Nezuva iro vanhu vachatarira Musiki wavo, meso avo achaona Mutsvene waIsiraeri.
8Havangatariri atari, iro basa ramaoko avo; zvakaitwa neminwe yavo havangavi nehanya nazvo, kana iri miti yakatsaurwa kana mifananidzo yezuva.
9Nezuva iro maguta avo akasimba achaita samatongo kumatondo napamisoro pamakomo, akasiyiwa nokuda kwavana VaIsiraeri; achava matongo.
10Nokuti wakanganwa Mwari Muponesi wako, hauna kurangarira dombo routiziro hwako. Saka unozvisimira miti inofadza, unoisamo mizambiringa yakabva kumwe.
11Nomusi wokusima kwako, unouvakira ruzhowa, fume mangwana unotumbusa mbeu dzako; asi kucheka kunotiza nezuva rokutambudzika nerokuchema kukuru.
Kuparadzwa kwavaAsiria12Haiwa, kutinhira kwavanhu vazhinji, vanotinhira sokutinhira kwegungwa, nokuririma kwamarudzi avanhu anoririma sokuririma kwemvura zhinji!
13Marudzi acharirima sokuririma kwemvura zhinji; asi uchavatuka, vachatizira kure, vachadzingirirwa sehundi yamakomo pamberi pemhepo, seguruva rinopfungaira pamberi pedutu remhepo.
14Nenguva yamadekwana, tarirai, kuchava nokutyisa; mangwanani kusati kwaedza, havasisipo. Ndiwo mugove wavanotipambara, nomubairo wavanotibira.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.