1Rumbidzai Jehovha, mweya wangu;
Zvose zviri mukati mangu
ngazvirumbidze zita rake dzvene.
2Rumbidza Jehovha, mweya wangu,
Urege kukanganwa mikomborero yake;
3Iye, anokanganwira zvakaipa zvako zvose;
Anoporesa kurwara kwako kwose;
4Anodzikinura upenyu hwako pakuparadzwa;
Anokuisa korona younyoro nengoni;
5Anogutisa mwoyo wako nezvakanaka;
Kuti utsva hwako huvandudzwe segondo.
6Jehovha anoita zvinhu zvakarurama,
Nokururamisira vose vanomanikidzwa.
7Akazivisa Mosesi nzira dzake,
Navana VaIsiraeri zvaakaita.
8Jehovha ane tsitsi nenyasha,
Haachimbidziki kutsamwa, ane ngoni zhinji.
9Haangarambi achirwa;
Uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi.
10Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu,
Kana kutipa mubairo sezvakafanira zvakaipa zvedu.
11Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro,
Ndizvo zvakaita kukura kwengoni
dzake kuna vanomutya.
12Sokuva kure kwamabvazuva namavirira,
Saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu.
13Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake,
Saizvozvo Jehovha anonzwira tsitsi vanomutya.
14Nokuti iye anoziva chatakaitwa nacho,
Anorangarira kuti tiri guruva.
15Kana ari munhu, mazuva ake akaita souswa;
Seruva resango, iye anokura saizvozvo.
16Nokuti imhepo inopfuura pamusoro
paro, onei raenda;
Nenzvimbo yaro haicharizivi.
17Asi ngoni dzaJehovha dziripo
nokusingaperi–peri kuna vanomutya,
Nokururama kwake kuvana vavana vavo;
18kuna ivo vanochengeta sungano yake,
Nokuna vanorangarira zvaakaraira, kuti vazviite.
19Jehovha akasimbisa chigaro
chake choushe kudenga–denga;
Ushe hwake hunobata zvinhu zvose.
20Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake;
Imi mhare dzine simba, munoita zvaakataura,
Muchiteerera izwi reshoko rake.
21Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzake dzose;
Imi vashumiri vake, vanoita zvinomufadza.
22Rumbidzai Jehovha, imi mabasa ake ose,
Panzvimbo dzose dzoumambo hwake;
Rumbidza Jehovha, mweya wangu!
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.