Zvirevo 3 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Munhu ngaatye Jehovha, avimbe naye, amuteerere

1Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu;

Asi mwoyo wako ngauchengete mirairo yangu;

2Nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji,

Namakore oupenyu, norugare.

3Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya;

Uzvisungire pamutsipa wako;

Uzvinyore pahwendefa romwoyo wako;

4Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka

Pamberi paMwari navanhu.

5Vimba naJehovha nomwoyo wako wose,

Urege kusendama panjere dzako.

6Umutende panzira dzako dzose,

Agoruramisa makwara ako ose.

7Usazviti ndakachenjera;

Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa;

8Zvichava mushonga womuviri wako,

Nomongo wamapfupa ako.

9Kudza Jehovha nezvaunazvo,

Uye nezvitsva zvazvose zvawakawana;

10Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda,

Makate ako achapfachuka newaini itsva.

11Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha;

Usaneta nokuraira kwake.

12Nokuti Jehovha anoraira mudikanwa wake;

Sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira.

Mufaro womunhu, awana uchenjeri

13Munhu, awana uchenjeri, anomufaro,

Naiye munhu, anowana njere.

14Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha;

Nokupfuma nahwo kunopfuura kupfuma nendarama.

15Unokosha kupfuura korari;

Hakuna pfuma yako ingaenzaniswa nahwo.

16Mazuva mazhinji oupenyu ari

muruoko rwahwo rworudyi;

Muruoko rwahwo rworuboshwe mune pfuma nokukudzwa.

17Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza;

Makwara ahwo ose ndoorugare.

18Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira;

Mumwe nomumwe anohubata anomufaro.

19Jehovha akateya pasi nouchenjeri;

Wakasimbisa kudenga–denga nenjere.

20Mvura iri makadzika yakadzutuka nezivo yake;

Denga rose rakadonha dova.

21Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako;

Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara.

22Ipapo zvichava upenyu hwomweya wako;

Noukomba pamutsipa wako.

23Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba;

Rutsoka rwako harungagumburwi.

24Kana uchivata pasi haungatyi;

Uye kana wavata pasi hope dzako dzichava dzakanaka.

25Usatya hako chivhunduso chinokuwira kamwe–kamwe,

Kunyangwe kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika;

26Nokuti Jehovha achava chivimbo chako;

Achachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa.

Munhu ngaave nomwoyo murefu nokutendeka

27Munhu, akafanirwa, usaramba

kumuitira zvakanaka

Kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.

28Usati kune wokwako, “Enda, ugodzokazve,

Mangwana ndichakupa;”

Kana uchinge unazvopo.

29Usafunga kuitira wokwako zvakaipa,

Zvaanogara hake newe achikutenda.

30Usarwa nomunhu pasina chipomerwa,

Kana asina kukuitira zvakaipa.

31Usagodora munhu anomanikidza;

Usatevera kunyangwe nomumwe wemitoo yake.

32Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha;

Asi ano hukama navakarurama.

33Kutukwa naJehovha kuri mumba mowakaipa;

Asi unoropafadza ugaro hwavakarurama.

34Kana vari vadadi, anovadadira,

Asi vanozvininipisa anovaitira nyasha.

35Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa;

Asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help